‘Handirambwe zvekumhanya, dzosa zvinhu zvangu’

26 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
‘Handirambwe zvekumhanya, dzosa zvinhu zvangu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME anogara kuMabvuku, muHarare, aendesa shamwarikadzi yake kudare achiti ari kuramba kurambwa nekudaro anoda kuti dare rimubatsire.

Tapfuma Timothy Kadozora audza dare reHarare Civil Court kuti Sylvia Chihumburi haachada kumuona pabasa pake zvose nekumba kwake uye nekuchairwa nhare.

“Tave nenguva tichitaura nezvenhau yekuti timbosiyane asi iye haasi kunzwisisa saka ndinokumbirawo dare kuti rindibatsirewo,” anodaro Kadozora.

Chihumburi anoti haasi kuramba kurambwa asi kuti Kadozora ane mari yake inodarika zvuuru nezvuuru zvemadhora iyo aimukweretesa vachiri kudanana.

“Sevanhu vaidanana, ndaiti akandikwereta mari ndaimupa nekuti ndine chitoro mudhorobha asi ndaisanyora zvangu pasi mari yacho nekuti ndaiti mumwe wangu,” anodaro Chihumburi.

Anoenderera mberi achiti: “Ndinoda kuti andidzoserewo magumbeze angu nemubhedha watakatenga apo taironga kuti tigare tose. Anoziva kwazviri uye takazvitenga kune muzukuru wake akaenda kunze kwenyika.”

Kadozora anoramba zvose zvinotaurwa naChihumburi nokudaro mutongi Sharon Mashavira vakurudzira Chihumburi kuti aende kumatare anomubatsira kuti midziyo yake idzoke kuSmall Claims Court nekuCivil General.

Vapa Kadozora gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey