Handisi kusuwa nhabvu: Hazard

02 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
Handisi kusuwa nhabvu: Hazard Eden Hazard

Kwayedza

Eden Hazard akabuda pachena kuti ‘’haana kusuwa kutamba nhabvu’’ mushure mekusendeka shangu dzake dzemutambo uyu kutanga kwaGumiguru.

Chizvarwa chekuBelgium ichi chakabva kuReal Madrid nguva pfupi yadarika zvichitevera kupera kwakaita kondirakiti yake uye nemusi weMuvhuro svondo rino aive kumhemberero dze2023 Ballon d’’Or.

Mushure mekunge ambotaura kuti akange “asisachanakidzwe nekutamba nhabvu’’, muchinda uyu (32) akataura nezvehupenyu hwake hutsva hwekusiya kutamba bhora ndokuti ari kunakidzwa zvikuru kuswera ane mhuri yake.

Paakabvunzwa neTNT Sports kuti ari kunakidzwa sei nehupenyu hwake hutsva zvichitevera kusiya kutamba nhabvu anoti: ‘’Zvakanaka. Zvakanaka. Ndiri kunakidzwa nehupenyu nemhuri nevana vangu.

‘’Ndinogona kuita zvandinoda uye ndihwo hupenyu hwakakwana.’’

Hazard akange asara asina chikwata chekutambira mushure mekunge kondirakiti yake yekuMadrid yakagurwa angotamba mitambo 76 kuLos Blancos.

Aimbove mutambi weChelsea uyu anonzi aimbofunga zvekunotambira kuBelgian Pro-League kuchikwata cheRWD Molenbeek uko kunotambira munin’ina wake.

Asi akazosarudza kusendeka kutamba nhabvu ndokuti haasi kumbosuwa kunge ari munhandare achitamba.

Paakabvunzwa kuti achiri kuona mitambo yenhabvu here anoti: ‘’Ehe. Ndine vana. Vanotamba nhabvu.

‘’Ndinoiona paTV pandinogonera. Ndinoitawo zvimwe zvinhu asi pari zvino handisi kusuwa kutamba nhabvu. Ngatizoonei mumwedzi inotevera.’’ – SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey