Uncategorized

Happy Ladies yobatsira murume wekutorerwa mukadzi

17 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Happy Ladies yobatsira murume wekutorerwa mukadzi Chikwata cheHappy Ladies Foundation chichibatsira

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MURUME anogara kuUnit L, kuChitungwiza, asi kumusha achibva kwaMambo Makope kuChiweshe – wekubata mukadzi wake aine zvikomba zviviri mukati memaawa 24 – akapihwa rubatsiro rwezvekushandisa mumba nerimwe sangano rakazvimirira mushure mekunge mukadzi uyu aenda nemidziyo yose.

VaChartwell Simon Murehwa (50) – avo vakasiiwa pamhene neaiva mudzimai wavo – Tarisayi Gatiti (32), vakawana rubatsiro urwu kubva kusangano reHappy Ladies Foundation.

Mumwe wevakuru vesangano iri, VaEben Makotore, vanoti vakapa murume uyu rubatsiro mushure mekuona nyaya yake muKwayedza.

“Sesangano, takabatikana zvakanyanya patakaona nyaya iyi mubepanhau reKwayedza apo paaitaura dambudziko rake. Takashanyira murume uyu tikaona zvechokwadi kuti mumba make rakanga rangova giraundi musina kana midziyo yekushandisa, chikafu chero pekurara chaipo achirara pasi.

VaEben Makotore

“Izvi zvakaita kuti titambanudzewo ruwoko sesangano rinobatsira veruzhinji munharaunda tikamupawo midziyo yekushandisa pamwe chete nechikafu,” vanodaro VaMakotore.

Vanoti rubatsiro rwavakapa haruna kukwanira murume uyu nekuti ane zvimwe zvizhinji zvaachiri kuda zvekushandisa.

“Takakwanisa kumupa padiki patakawana asi murume uyu achiri kuda rubatsiro rwakasimba uye rutsigiro chairwo. Ari kurara pasi chaipo nekuti mukadzi akatora zvose nemubhedha. Dai kune vamwewo veruzhinji kana mamwe masangano vanokwanisa vaimubatsirawo nepavanogona napo,” vanodaro.

VaMakotore vanoti vanotarisira kuti sangano ravo rikawana rumwe rubatsiro richadzoka zvakare richiyamura VaMupona kuti vatange upenyu hutsva.

Vanoti sangano ravo riripo pakubatsira vanhu vane matambudziko akasiyana munharaunda kusanganisira nherera, vane hurema pamwe chete nevanoshaya.

VaMupona vanotenda zvikuru rubatsiro urwu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey