Harahwa yoda kuparadza imba

22 Nov, 2023 - 12:11 0 Views
Harahwa yoda kuparadza imba Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

IMWE chembere yemuHarare yakachema-chema mudare kuti murume wayo anoda kuputsa imba yavo nechigiredha kuti vasare vasina kana chavainacho.

Vennah Mukombodzi akaudza dare reHarare Civil Court kuti Wonder Mukombodzi anogara achimushungurudza.

“Baba ava vanogara kumusha, pese pavanouya kuzotora mari yerendi vanenge vachingopopota, vanondituka pamwe nevana pamberi pemaroja vachiti vanoda kupunza imba yacho nechigiredha zvekutoti handisisina chimiro chakanaka munharaunda yatinogara,” anodaro Vennah.

Wonder akapikisa zvaitaurwa nemudzimai wake achiti ndiye ari kutomushungurudza.

“Pamari yose yavanotora yerendi handiwani kana sendi chero yekutenga airtime kuti ndigokwanisawo kuchaya nhare. Kutaura kuno handichagari kumusha sekutaura kwaaita, ndakatotiza hanzvadzi dzake idzo dzinogara dzichindituka nekundityisidzira saka ndave kutyira upenyu hwangu,” anodaro Wonder.

Vennah akabva amugamha achiti murume wake anogara achimutuka kuti ipfambi.

“Ivo ndivo vanondituka kuti pfambi, muroyi uye vanoti musana wavo wave kurwadza nguva dzose nekuti ndini ndakavaroya. Vanondituka mashoko asingaite baba ava, vari kunyepa zvese zvavari kutaura,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vakapa Vennah gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey