Uncategorized

Harare ichavhara mvura

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

KANZURU yeguta reHarare iri kuzivisa veruzhinji kuti muzinda mukuru unochenesa mvura, weMorton Jaffray Water Treatment Plant, uchange wakavharwa kubva nemusi weChishanu 16 Zvita kutanga nenguva dza10 husiku kusvika 18 Zvita nenguva dza6 dzemangwanani.Kuvharwa kwemvura uku kuri kuitirwa kuti mabasa ekugadzirisa muzinda weMorton Jeffray ange achiitwa zvakanaka. Nokudaro vagari vemuguta iri vanokurudzirwa kuti vachengetedze mvura inovakwanira iyo vanozoshandisa panguva iyi.

Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kuti vange vachikohwa mvura inenge ichinaya iyo vanozoshandisa mumabasa akasiyana epamba.

Kanzuru inokurudzirawo vanhu kuti vachengetedza mvura isangorasika zvisina tsarukano pamwe nekubhadhara mitero yemvura nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey