Hatikwate: Gems

27 Jul, 2023 - 18:07 0 Views
Hatikwate: Gems Chikwata chemaGems

Kwayedza

Abel Ndooka

KAPUTENI wechikwata chenyika chenetball chemaGems – Felisitus Kwangwa – anoti morari mukembi mavo yakasimukira zvakanyanya apo vakatarisana nekutamba mutambo wekutanga weVitality 2023 World Cup nemusi weChishanu chino pavachasangana neAustralia.

Kwangwa ari kutevera mumatsimba aPerpetua Siyachitema kutungamira chikwata chemaGems kutamba kuWorld Cup.

Siyachitema ndiye aive kaputeni wechikwata ichi mugore ra2019 apo vakaenda kunokwikwidza kuWorld Cup kuLiverpool, kuEngland uye achidzoka akasvika ndokusendeka shangu dzake dzenetball.

Murukuro ari kuCape Town, kuSouth Africa uko kuri kutambirwa World Cup iyi, Kwangwa anoti akagara mudenga rechinomwe nekuda kwechiremerera chaakapihwa chekutungamira maGems mumutambo uyu.

“Chinhu chikuru kutungamira nyika yako mumutambo mukuru wakadai. Ndiri kufara asi panguva imwe chete tiri kushanda nesimba sechikwata kuti tikwanise kuzadzikisa zvishuviro zvedu zvatakatsidzirana kumutambo uyu.

“Mutambo watatarisana nawo mukuru, uchange wakaoma asi tichashanda nesimba kuti titambe zvinogutsa,” anodaro Kwangwa.

Anoti sechikwata, vari kutarisira kupedza vari muzvikwata zvina zvepamusoro (Top 4) pazvese zviri kumutambo uyu.

Kwanga anoti vachitarisa matambiro avakaita kuWorld Cup yakatambirwa kuLiverpool, vanokwanisa kuzviita uye vagadzirira kusangana nechero chikwata chepasi rino.

“Isu kumutambo uyu tinoda kupedza tiri muTop 4 nekuti tichitarisa matambiro atakaita mutambo weWorld Cup wekupedzisira, takatamba zvaifadza zvekuti izvezvi tokwanisa kumisidzana nechero chikwata chatinosangana nacho.

“Tamirira kutamba mutambo wedu wekutanga uyo tinofanirwa kurwa zvakasimba nekuti tiri kusangana nechikwata chikuru cheAustralia. Asi nemorari iri muchikwata chedu, ticharwa semvumba kuti tikunde uye hatina chikwata chatinotya,” anodaro Kwangwa. MaGems ari muboka reGroup A nezvikwata zvinoti Australia, Fiji neTonga.

Kumutambo uyu, maGems achatamba wekutanga wePreliminary Stage 1 neAustralia nemusi neChishanu ozosangana neFiji neMugovera uye ozopedzisa mutambo wavo wemuboka iri nemusi weSvondo apo achatamba neTonga.

Kana maGems akapedza ari pazvikwata zvitatu zvepamusoro muboka iri, anobva afambira mberi kuenda kuPreliminary Stage 2 kuchaumbwa mamwe mapoka maviri, Group F neGroup G.

Group F richaumbwa nezvikwata zvitatu zvinenge zvabva muboka remaGems neGroup G zvichabanda.

Zvikwata zvinopedza zviri muTop 2 muboka iri zvinobva zvafambira mberi kuenda kusemi-final yemutambo uyu uko zvinozonorwira kupinda mufainari yeWorld Cup yegore rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey