Hatina zororo: Chaminuka

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Hatina zororo: Chaminuka Saul Chaminuka

Kwayedza

Saul Chaminuka

Saul Chaminuka

MURAIRIDZI weBorder Strikers, Saul Chaminuka, anoti haana zororo sezvo vanzwa nekurikitwa zvikuru mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League uye anopomera hutungamiriri hwechikwata ichi kuti ndihwo honzeri achiti hauna kurongeka.Border Strikers yakapinda muPSL gore rino uye parizvino mumitambo mipfumbamwe yayatamba yangokwanisa kuhwina mumwe chete ndokuumburudzwa misere.

Chaminuka, uyo akaita mukumbira mugore ra2014 achirairidza ZPC Kariba mushure mekunge yapedza mitambo 19 isina kumbokundwa akazovhoterwa kuve PSL Coach of the Year, anoti hutungamiri hwechikwata chake hauna kurongeka.

Muchinda uyu, uyo anove mutevedzeri waKallisto Pasuwa kuchikwata chenyika chemaWarriors, anoti masvondo adarika paakaenda nemaWarriors kumitambo yeAfcon neCosafa Cup akasiya araira vatevedzeri vake kuBorder Strikers kuti vasare vachiita gadziriro nevatambi vose.

Anoti akazokatyamadzwa kunzwa zvichinzi vatambi vose vakaudzwa kuti vaende kudzimba dzavo sezvo chikwata chakange chisina mari yekuvatengera chikafu chekudya apo vanenge vachiita gadziriro.

Izvi, anodaro Chaminuka, zvakaita kuti vatambi ava vapedze masvondo matatu vakagara kudzimba dzavo mushure mekunge vabva kuhwina mutambo wavo wekutanga apo vakakunda Tsholotsho 1-0.

“Hutungamiri hwedu ndihwo husina kurongeka chaizvo nekuti shuwa here mungati vatambi endai kumba kwemasvondo matatu vorega kuita gadziriro dzavo, hapana zvavanenge vachiita? Hanzi hatina mari yekuvatengera chikafu, ko vanoda kuti vaite sei? Handiti vatambi venhabvu here vanoda kuchengetwa?

“Kazhinji kana chikwata chisiri kutamba zvinonwisa mvura tinomhanya kupomera murairidzi wacho kuti haasi kuziva basa asi kumashure uku kunenge kune zvakawanda zvinenge zvichiitika.

“Nditori netsambambozha munharembozha yangu dzandaitumirana nevatungamiri vedu nevatevedzeri vangu ndichivaudza zvekuita, asi havana chavakamboita nezvazvo kuti vazvigadzirise.

“Chikwata ichi ndange ndachibika zvakanaka uye patakakunda Tsholotsho zvinhu zvakange zvave kushanduka zvave kutinakira, ivo vave kumbovaendesa kumba vozovadzora nekuti ndakange ndadzoka.

“Svondo radarika takazotanga kuita gadziriro dzedu musi weChina chaiwo tichigadzirira mutambo weSvondo uyo takazokundwa neChapungu United 2-1, asi taitamba zvinonwisa mvura,” anodaro Chaminuka.

Zvisinei, ane chivimbo chikuru chekuti vachasunga dzisimbe kuti vasaburitswe muPremier League sezvaakaita apo airairidza ZPC Kariba.

“KuZPC Kariba, takaita mitambo 19 tisina kumbokundwa uye zvinhu zvange zvakarongeka izvo zvakasiyana nekuno kuBorder Strikers.

“Kushomeka kwemari kuri kutikanganisa zvakawanda, vatambi vangu handina chandingavapomere vari kuzama nepavanogona kuti vahwine asi zvimwe zvinhu zvinongodzorera shure. Ini ndega ndoziva kuti ndakachiruka zvakanaka kuti chihwine.

“Ndichagara pasi nehutungamiri hwechikwata chedu tionesane kuti togadzirisa sei dambudziko ratinaro,” anodaro Chaminuka.

Svondo radarika ndiro raive rekutanga Border Strikers ichatambira pamberi pevatsigiri vavo apo yakatenderwa kushandisa nhandare yeDulivadzimu Stadium.

“Vatsigiri vedu vakauya vakawanda vachida kuzotiona tichihwina asi vakaenda vasina mufaro sezvo chikwata chedu chisina kuvapa zvavakange vafambira.

“Tinovavimbisa kuti hazviitike futi, hatichakundwe pamusha zvakare,” anodaro Chaminuka.

Kwayedza yaina kukwanisa kutaura nevatungamiri veBorder Strikers kuti inzwewo divi ravo panyaya iyi kusvikira pakadhindwa bepanhau rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey