Uncategorized

‘Hausi bofu iwe, tamba nezvimwe’

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Hausi bofu iwe, tamba nezvimwe’ Siso achipemha agere pasi. - Mifananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza

YAKAVE batai-batai nomusi weChishanu chadarika pakati peguta reHarare apo mumwe murume wechidiki akasveeredzwa nechaunga ndokuzotiza mushure mekunge afumurwa kuti ainyepera kuve bofu senzira yekupemha mari.

Izvi zvakaitika panosangana migwagwa Robert Mugabe naAngwa Street munguva dzemanheru.

Kwayedza yakasvika apo vanhu vaikakavadzana pamusoro pemurume uyu, vamwe vachiti ibofu izvo zvairambwa nevaiti vanomuziva achiona uye aya aive mano-mano ake ekupemha mari.

Cosmas (kurudyi) achitsanangurira vanhu kuti Siso ainyepera kuve bofu.

Cosmas (kurudyi) achitsanangurira vanhu kuti Siso ainyepera kuve bofu.

“Shamwari simuka uende kumba. Usanyepere kuva bofu iwe uchiona, haunyari here? Ukaramba wakagara ipapo uchipemha ndichakukanda mbama, izvozvi simuka!” akadaro mumwe murume aizviti Cosmas anogara kuChitungwiza.

Cosmas anoti anozivana nemurume uyu uye aimboperekedza baba vake avo vaive bofu kunopemha asi vakazoshaya.

“Kana ndimiwo vahanzvadzi (kureva mutori wenhau uno), zvinoitawo here kuti munhu angatotora kuita hupofu hwekunyepera sebasa?

“Baba vemurume uyu ndivo vakange vari bofu. Aitovaperekedza kutaundi kuno kuzopemha asi vakazoshaya. Iye ave kuita ‘take-over’ senge ritori basa. Ngaasimuke aende kumba ndisati ndamudhaya,” akadaro achimunongedza pahuma.

Siso achipemha agere pasi. - Mifananidzo: Muchaneta Chimuka

Siso achipemha agere pasi. – Mifananidzo: Muchaneta Chimuka

Panguva iyi mhomho yevanhu yakange yaungana ichida kuona zvaiitika.

Vamwewo ndivo vaisvika vachimupumha kumeso kwake nemawoko vachida kuona kuti anobwaira here.

“Ko nhaiwe mupfana, unoona here kana kuti kwete? Kana uchiona hako simuka uende kumba,” akadaro mumwe murume wechikuru achimupumha kumeso neruwoko.

Kune vamwewo vaiti zvichida muchinda uyu akange anama maziso ake neglue kuitira kuti aite seasingaone.

“Anodarireiko? Chero ikanzi inzara, Mwari vachamuranga zvekuti anotozogona kuita bofu chairo,” mudzimai akazviti Mavis akadaro.

Zvisinei, mamwewo madzimai anotengesa mumigwagwa vakapindira nyaya iyi vachitsigira murume uyu.

“Haiwawo, zvakubatai papi kana ari bofu kana kuti achinyepa? Atora mari dzenyu here? Handiti kana paine vane tsitsi ndivo vanokanda mari mukapu yake here? Musashaye zvekuita, pfuurai muende! Shamwari (kureva murume uye) usasimuka iwe, chingopemha ugere ipapo tione anokubata tinopedzerana naye,” akadaro mumwe mukadzi.

Anotsinhirawo kuti baba vemurume uyu ndivo vakange vasingaoni asi vakashaya.

“Baba vake vaipemhera pa’foot bridge’ apo asi vakashaya. Kana iyewo uyu haaoni, mambomuona achibwaira here vanhu pavamupumha? Vanhu ngavadzidze kutaura zvavanoziva,” akadaro mukadzi aiti anomuziva. Otaura neKwayedza, murume uyu akati: “Handioni ini. Ndinokumbirawo rubatsiro uye ndinonzi Siso.”

Mumaziso emurume uyu maiita semune zvinhu zvichena uye asingabwaire.

Zvisinei, Siso akazoshamisa vanhu apo akasimuka ndokutiza achisiya vazhinji vakabata miromo.

Akatiza ndokunhanhira kuenda kune mumwe mugwagwa asina munhu aimubatsira zvikasiya chaunga chaivepo chichinetseka kuti ibofu here kana kuti kwete.

Munguva pfupi yadarika, pane vhidhiyo rakatenderera remurume aive mune mumwe mugwagwa wekuSouth Africa uyo aipemha akapeta gumbo rake mutirauzi kunge munhu akaremara asi akazozivikanwa akanyadziswa nehama dzake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey