Uncategorized

‘Hazviite, nhumbi ngadzigovewe’

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
NYAYA yenhumbi dzemushakabvu yakamutsa bongozozo rakazoperera kumatare edzimhosva mushure mekunge mumwe mudzimai aoneswa ndondo achinzi sei akabvuma kupinzwa mumba nemurume wake nhumbi dzemukadzi wake akange ashaika dzisati dzagovewa.

Tracas Magwenzi wekuDomboshava akapotera kuHarare Civil Court achiti Margret Kadungure naJosephine Kadungure, avo vanova madzimai evakoma vemurume wake, vanomutukirira vachiti muroyi.

“Changamire ndaona nhamo nemadzimai aya nenyaya yekuti ndakapinzwa mumusha nemurume wangu mushure mekunge mukadzi wake wechipiri afa. Nyaya ndeyekuti vanoti ndini ndakamuuraya kuti ndiuye pamba apa asi ini mawoko angu akachena.

“Vanotonditi ndiri muroyi zvekuti hapana achandigamuchira zvakanaka mumusha uye vanongoti vakandiona vonditukirira,” akadaro Magwenzi.

“Iko zvino ndava kugara mukutya nekuti vanogara vachinditi ndichatevera mufi handizivi kuti imhosva yangu here kuti munhu akandida akandiunza mumusha mavo.

‘‘Hama dzangu dzimwe dzinotozviziva nekuti vakatombonditukirira dziripo.”

Josephine naMargret vakaramba mhosva yavaipomerwa vachiti nyaya iripo ndeyekuti Magwenzi anotadza kunzwisisa zvinofanira kuitwa patsika dzechivanhu kana murume ashaikirwa nemukadzi.

“Nyaya yatiri kutadza kunzwanana nemukadzi uyu ndeyekuti akasvikopinzwa mumba memufi nhumbi dzake dzisati dzagovewa. Babamunini vedu, vanova murume wake, takavataurira vakaisa zvimiti munzveve.

‘‘Takavabvunza kuti sei mapinza mudzimai wenyu mumusha pasina anoziva kana wamakasuma nekuti itori mhosva kumufi,” akadaro Margret.

Josephine akatsinhirawo achiti havashungurudze Magwenzi asi kuti vanoda kugadzirisa nyaya yekupinzwa kwake mumba nhumbi dzemushakabvu dzisati dzagovewa asi iye obva afunga kuti akavengwa.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Magwenzi gwaro redziviriro ndokuti nyaya yenhumbi dzemushakabvu inofanira kugadziriswa murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey