Uncategorized

‘Hazviite, siyai vana vayaruke’

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights (ZADHR) rinorumbidza dare reConstitutional Court of Zimbabwe nekupa mutongo wekuti vana vasati vasvika makore 18 okuberekwa havatenderwe kuroora kana kuroorwa richiti izvi zvichabatsira zvikuru kuchengetedzwa kwekodzero dzavo.

Sangano iri ragara richirwiswa kuroodzwa kwevasikana vasati vabva zera richiti zvinokanganisa raramo yavo uye kuvambunyikidza kodzero dzavo.

Kudunhu reChiredzi, kuMasvingo, kunonzi kune vamwe vabereki vari kuroodza vana vavo vachiri pwere apo vanopihwa zvekudya zvakaita sezviyo, mhunga kana mapfunde seroora. Vakawanda vevanoita tsika iyi vanonzi vanopomera hurombo nenzara.

Muchinyorwa chakabva kuZADHR, inoti kukasika nekumanikidzwa kuroorwa kwevanasikana kunokonzera nzara isingaperi.

Gore negore pasi rose vanasikana vanosvika 15 miriyoni nevamwe vadiki vane makore ari pasi pegumi vanonzi vanomanikidzwa kupinda muwanano.

Madzimai anodarika 700 miriyoni pasi rose, vanonzi vakaroorwa vachiri pwere uye pavanasikana vatatu, mumwe chete wavo, zvikuru vari munyika dzichiri kusimukira, anoroorwa asati asvitsa makore 18 okuberekwa.

ZADHR inoti pachitariswa huwandu uhwu, zvinoreva kuti kuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera kwakanyanya kutekeshera munyika dzichiri kusimukira zvinova zviri kukanganisa utano hwavo apo vanotapurirwa utachiona hweHIV nezvirwere zvegomarara rechibereko.

Kunze kwazvo, vanasikana ava vanosangana nezvigozhero panguva yekusununguka uye vana vanozvarwa vanokundikana kukura zvakanaka zvichikonzera kuwanda kwendufu dzevana navanaamai vacho.

Zvichitevera mutongo wedare reConstitutional Court, ZADHR inoti iri kuvandudza mabasa ayo kuburikidza nekuramba ichirwira kodzero dzevanasikana.

Zvakaonekwa zvakare kuti nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana dzakawanda munzvimbo dzaimboitwa mabasa ekurima nekune zvimwe zvitendero zvemakereke anokurudzira izvi. Dare reConstitutional Court nguva yadarika rakapa mutongo unorambidza vana vari pasi pemakore 18 okuberekwa kupinda muwanano richiti kumbunyikidza kodzero dzavo sezvo vanenge vasati vayaruka kuti vakwanise kuzvifungira pane zvavanoda muupenyu hwavo.

Izvi zvinotevera kuendeswa kwakange kwaitwa nyaya kudare iri nevamwe vaipikisa kuroodzwa kwevanasikana vachiri pwere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey