Heath Streak ashaya

03 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Heath Streak ashaya Heath Streak

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi uye murairidzi wechikwata checricket chenyika chemaChevrons — Heath Streak — ashaya.

Streak ashaya nhasi pakati pehusiku mushure mekunge arwara nedenda regomarara uye mudzimai wake, Nadine Streak, azivisa nezverufu rwake.

Nadine anyora papeji rake paFacebook kuti, Heath ashaya mushure mekunge arwara kwemwedzi yakawanda.

“Nhasi mangwanani musi wa3 Gunyana 2023, rudo rwemoyo wangu uye baba vevana vangu atorwa kuenda kunogara nengirozi, kubva kumba kwake uko aigara mazuva ake ekupedzisira akakomboredzwa nevanomuda nehama dzepedyo.

“Ange akakomboredzwa nerudo nerunyararo uye ange asiri kufamba ega murwendo uru.

“Mweya yedu yakabatanidzwa zvachose Streaky.

“Kusvika ndazokubata zvekare,” adaro Nadine.

Munyaya dzecricket, Heath aive gamba uye akatamba muchikwata chemaChevrons chakanetsa zvikuru chaive nevatambi vakaita saAndy naGrant Flower, Henry Olonga nevamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey