Henry orumbidza Wenger, Guardiola

14 Sep, 2023 - 21:09 0 Views
Henry orumbidza Wenger, Guardiola Thierry Henry (kuruboshwe) aina Arsene Wenger panguva yaaitambira Arsenal

Kwayedza

Thierry Henry akarumbidza aimbove murairidzi weArsenal — Arsene Wenger — uye maneja weManchester City, Pep Guardiola, avo vaanoti vakamubatsira kudzidzira kuzove maneja wenhabvu.

Henry (46) akatanga basa rake semurairidzi weFrance Under-21 neChishanu manheru apo chikwata chake chakakunda Denmark 4-1 mumutambo uyo wakaona Elye Wahi achinwisa kaviri.

Henry ari kuedza kudzoka mukurairidza nhabvu zvine mutsindo zvichitevera kusafamba zvakanaka kwakaita mabasa ake ekutanga ekurairidza kuzvikwata zvinoti Monaco yemuLigue 1 uye Montreal yekuCanada.

Akafunga zvekurairidza chikwata chenyika mushure mekubvuma kuti akange asiiwa ‘’asina kuzadzikisa’’ pabasa rake rekuongorora nhabvu paterevhizheni uye pari zvino ari kutarisira kusimukira mukurairidza nhabvu.

Aimbove mutambi weArsenal uyu akarairidzwa negamba remaGunners, Wenger, panguva yaaive kuNorth London asati aenda kunoshanda naGuardiola kuSpain panguva iyo Barcelona yaipisa zvikuru.

Mushure mekunyora zita rake munhoroondo yevatambi vakatamba zvainwisa mvura pasi rese, Henry akabuda pachena kuti vaviri ava ndivo vakamuumba mubasa rake uye kumupa hungwaru.

“Kuve maneja inyaya yekubvunza mubvunzo: unogona kuita kuti vatambi vako vawedzere kungwara nekunzwisisa nhabvu zvishoma?” Henry akaudza Telefoot.

‘’Ngatishandise Pep Guardiola semuenzaniso, ndaifunga kuti ndaiva shasha panhabvu asi pandakasvika ikoko kuBarcelona ndakangofunga kuti: ‘’Wow, ari kutaura nezvei?’’

‘’Arsene Wenger, pandakasvika kuArsenal, akavhura mweya wangu nepfungwa dzangu sekuenderera mberi kwezvandakadzidza kuAcademy kuClairefontaine. Pep Guardiola akavhura maziso angu.’’ — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey