Uncategorized

Highfield Driving School chikwapuro

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Highfield Driving School chikwapuro

Kwayedza

CHIKORO chinodzidzisa vanoda kuve vatyairi vemotokari diki pamwe nemagonyeti, cheHighfield Driving School, muHarare chiri kukwezva vadzidzi vanobva kunze kwenyika zvichitevera mukurumbira wachava nawo.
Vachitaura neKwayedza, manenja wechikoro ichi, VaChance Nhau Chikowore, vanoti vari kushingairira kuwanisa vadzidzi ava ruzivo rwemhando yepamusoro iri maererano nezvokutyaira magonyeti pamwe nemotokari diki.

Vanoti vakashanda makore anodarika gumi vachityaira magonyeti kukambani yeColbro Transport, nekudaro vakaita shungu dzekuvhura chikoro chavo chekudzidzisa zvekutyaira mushure mekuona dzimwe tsaona dzaiitika idzo vanoti dzaigona kudzivirirwa kudai vatyairi vakawaniswa dzidziso yakakodzera.

“Ndakashanda kukambani yeColbro uko ndaisangana nezvakawanda saka ndakaita shungu kuti nditange chikoro chekutyaira uye ndiri kushingairira kupakurira vanhu dzidzo yemhando yepamusoro sezvo tiri vashoma vari kupa dzidzo iyi, kunyanya yemarori makuru,” vakadaro VaChikowore.

Vanoti vari kukwezva zvizvarwa zvekunyika dzakaita seSouth Africa, Zambia, Democratic Republic of Congo, avo vavanopa pekugara pachena.

VaChikowore vanoti vanodzidzisa vatyairi vemagonyeti kunzvimbo dzakadai sekuMazowe pamwe nekuMahusekwa uko kune migwagwa yakatambanuka.

Vanotizve vanodzidzisa vatyairi ava kuzvibata pamwe nekuzvidzivirira kubva kuutachiona hweHIV.

Vakaenderera mberi vachiti kune dzimwe nyika matsotsi emumigwagwa anorura zvikuru, nokudaro vanoedza kupa vadzidzi ava chenjedzo yekuti vasawire munyatwa dzakadai sekuisirwa zvinodhaka mune zvokudya apo vanozobirwa kana vadhakwa.

“Tinoedza kupa vatyairi chenjedzo maererano nenyatwa dzavanogona kusangana nadzo mumigwagwa dzakadai sekubirwa vaisirwa zvinodhaka mune zvekudya kana zvinwiwa.

Asi nyaya dziya dzekuti gudo rinoshandiswa kutyaira magonyeti kunyepa nekuti rinenge radzidziswa nani? Inyambo chete,” vakadaro VaChikowore.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey