Uncategorized

Homwe inotsigira raramo yevana

09 Jul, 2022 - 00:07 0 Views
Homwe inotsigira raramo yevana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti pave nehomwe inotsigira kusimudzirwa kwevana muupenyu pamwe nekuchengetedzwa kwekodzero dzavo.

Izvi zvakabuda pagungano rakatsigirwa nesangano reUNICEF rakabatana nemamwe mapoka anoona nezvekuchengetedzwa kwevana nemusi weChitatu chino muHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Professor Paul Mavima vanoti musangano uyu wauya panguva iyo vana vakawanda munyika vari kukundikana kuwana chengetedzo yakakwana nekuda kwekushaikwa kwemari.

“Munyika mune masangano akawanda anobatsira mukuchengetedzwa kwevana akadai seSocial Welfare Department, misha inochengeta vana vanoraswa, vasina pekugara nevanosangana nematambudziko akasiyana. Vana vanoda rubatsiro vawanda zvikuru nekudaro masangano ari kuvatsigira ava kuomerwawo saka kana pakava nehomwe inotsigira zvirongwa zvavo tinoona vachirarama upenyu hunoendeka,” vanodaro.

Dr Tajudeen Oyewale

Mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaClemence Chiduwa vanoti homwe inotsigira raramo yevana yakakosha.

“Vana vanoda kudya, kupfeka, dzidzo, kumiririrwa munyaya dzemitemo nezvimwe zvakavanakira muupenyu nokudaro zvose kuti zvifambe zvakanaka, panoda homwe yakasimba,” vanodaro.

VaChiduwa vanoti Zimbabwe yakazvipira kutevedza zvinangwa zvinoendeka zveNational Development Strategy 1 (NDS1) zvekuona kuti vechidiki vachengetedzwa kubva kumhirizhonga dzose vachiwaniswa dzidzo, utano, rutsigiro munyaya dzezveupfumi nezvimwe zvakavanakira.

“Kuoma kuri kuita upfumi hwenyika kuri kukanganisa mabasa ari maringe nechengetedzo yevana nekuti vanoda utano nezvivakwa zvakanaka asi kana pasina mari yakakwana, vanonetseka,” vanodaro.

Mumiriri weNetherlands muZimbabwe, Ambassador Margret Verwijk vanoti kuti nyika ive nebudiriro, zvido zvevechidiki zvinofanira kuiswa kumberi.

Mashoko avo anotsigirwa nemumiririri weUNICEF munyika muno, Dr Tajudeen Oyewale vachiti zvakosha kuti pave nemutemo unobatsira mukutsigirwa kwevana muzvinhu zvine chekuita nebudiriro yavo uye upfumi hwenyika.

“Mubhajeti renyika, zvinhu zvakakoshera vechidiki zvinofanira kutariswa kuti vave nechengetedzo yakakwana. Vana vazhinji vanombunyikidzwa kodzero dzavo nevanhu vanonyepera kuda kuvabatsira. Saka kuvapo kwebhajeti inovatsigira kunoderedza mikana yekushungurudzwa kwavo.

“Kana vana vakawana rutsigiro rwuzere, nyaya dzekuroodzwa dzinoderera, kushandiswa mumabasa akaomarara kunodzikira zvekare nedzimwe mhando dzose dzemhirizhonga idzo vanowanza kusangana nadzo,” vanodaro.

Ongororo yeMultiple Indicator Cluster Survey yakaitwa neHurumende yeZimbabwe yakabatana nesangano reUNICEF mugore ra2019 inoratidza kuti munhukadzi mumwe chete pakati pevatatu vane makore 20 – 49 ekuberekwa, akaroorwa asati asvitsa makore 18.

“Nzara nehurombo ndizvo zvimwe zviri kurunzira kuti vana varoorwe vasati vabva zera, vachishungurudzwa nekushandiswa mumabasa akaomarara,” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Economics Society, Dr Nigel Chanakira, vanoti nyika ino ine mitemo yakawanda iri maringe nekuchengetedzwa kwevana.

“Mutemo weSection 20 of the Children’s Act unotaura nezvekukosha kwechengetedzo yevana mune zvose chinova chikonzero  kuine chirongwa cheChild Welfare Fund. Zimbabwe yakadzika mitemo inofambirana nedzimwe nyika dziri pasi rose yeUnited Nations Convention on the Rights of the Child nedonzvo rekuchengetedza vana kuti mwana wose achengetedzwe,” vanodaro Dr Chanakira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey