Houghton, Taylor vorwisa zvinodhaka

25 Aug, 2023 - 00:08 0 Views
Houghton, Taylor vorwisa zvinodhaka Dave Houghton

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenyika cheCricket chemaChevrons — Dave Houghton — akatanga chirongwa chekufamba chinhambwe chemakiromita 50 izvo zvakamuona achifamba kuBorrowdale Race Course nechinangwa chekuunganidza mari inosvika US$250 000 yakurwisa kutorwa kwezvinodhaka munyika.

Muchirongwa ichi, Houghton akabatana naBrendan Taylor uyo aimbotambira maChevrons ari kaputeni wechikwata ichi.

Masvondo adarika, Taylor akafambawo chinhambwe chemakiromita 50 achiunganidza mari yekuti pazovakwe nzvimbo yekubatsira vanhu kurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka.

Makore adarika, Taylor akabatwa nemhosva yekuita huwori mumutambo wecricket pamwe chete nekutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri.

Izvi zvakazotuma sangano reInternational Cricket Council kumutemera zvirango zvekuti asawane chekuita nemutambo uyu kwemakore matatu.

Brendan Taylor

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, mutauriri weZC – Darlington Majonga – anoti mari yese ichaunganidzwa naHoughton naTaylor ichashandiswa kuvaka nzvimbo yekubatsira vanhu vane matambudziko ekushungurudzwa nekutora zvinodhaka.

“Munyika maita dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka zvinosanganisira mbanje, crystal methamphetamine, cocaine nezvimwe zvakasiyana izvo zviri kunyanya kutorwa nevechidiki.

“Saka kushomeka kwenzvimbo dzinobatsira vanotambudzwa nekutora zvinodhaka kunoomesera vanhu vanenge vachirwisa kuda kusiya zvinodhaka izvi.

“Izvi ndizvo zvakamutuma kubatana naTaylor kuti vaunganidze mari yekuvaka nzvimbo inobatsira vanenge vachitambudzwa nedambudziko rekutora zvinodhaka,” anodaro Majonga.

Aka hakasi kekutanga Houghton achifamba dzendo refu nechinangwa chekuunganidza mari yekuita mabindauko akasiyana sezvo mugore ra1998 akafamba kubva kuBulawayo kuenda kuHarare ndokukwanisa kuunganidza US$40 000 iyo yakazoshandiswa kuvaka Cricket Academy munyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey