‘Huchapa bodo’

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Huchapa bodo’ Chairperson of the portfolio committee on Environment, Water, Tourism and Hospitality Industry Cde Wonder Mbare councillor Innocent Maseko (center) addressesanti litter monitors in Mbare MashangeChairperson of the portfolio committee on Environment, Water, Tourism and Hospitality Industry Cde Wonder Mashange while (right) looks on .Picture By Shelton Muchena

Kwayedza

— Paramende yakamema kuMbare

Muchaneta Chimuka —
KOMITI yedare reParamende inoona nezvenharaunda, mvura nezvekushanya inoti zvakakosha kuti vanhu vawaniswe mvura yakachena yekushandisa mudzimba pamwe nekuti marara achengetedzwe munzvimbo dzakakodzera nedonzvo rekudzivirira kunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

Kurudziro iyi yakaitwa nemusi weMuvhuro svondo rino nasachigaro wekomiti iyi, Cde Wonder Mashange, avo vanove zvakare mumiriri weRushinga mudare reNational Assembly apo nhengo dzekomiti yavo dzakanomema musha weMbare, muHarare.

Izvi zvinotevera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka setyphoid kuMbare munguva pfupi yadarika.

Zvakadai, musi wekumemwa kwekuMbare uyu, nzvimbo zhinji dzakange dzakachena zvichitevera kutsvairwa kwadzakaitwa nevamwe vagari veko.

Nhengo dzekomiti yedare iri dzakamema zvakare nzvimbo dzinotengeserwa michero, zvirimwa nekumwe kudya ndokuona tsvina yesuweji nemarara zvichingoyerera pese-pese izvo zvine njodzi yekukonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

Zvimwe zvibhorani zveko zvakaonekwa zvakare zvichiburitsa mvura yakasviba uye zvakakombwa nemarara nemadhaka.

Vachitaura pachiitiko ichi, Cde Mashange vanoti vane shungu yekushanda pamwe chete nemasangano akaita seEnvironmental Management Agency (EMA) nemakanzuru mukuona kuti nharaunda dzagara dzakachena uye vanhu vawaniswa mvura yekushandisa yakachena.

“Tatenderera tikaona kuti kanzuru iri kuedza nepose painogona mukuchenesa nharaunda zvisinei nekuti basa ravo riri kudzorerwa kumashure nekuda kwekushaikwa kwemichina yakakwana yekutakura marara. Zvakare, zvibhorani nezvimbuzi zvichiri zvishoma izvo zvinozoita kuti vamwe vanhu vagumisire vave kuitira tsvina pese-pese zvichikanganisa utano,” vanodaro.

Kanzura Innocent Maseko vekuMbare vanoti nzvimbo yavo inopinda vanhu vakawanda zvikuru masikati nehusiku izvo zvinoita kuti dambudziko remarara rirambe rakakura.

“Mbare musha mukuru, unoshandwa masikati nehusiku apo vamwe vanouya vachitengesa. Zvamaona nhasi zviri nani pane zvaive zvakaita musha uno mumwedzi waNdira. Tine vatsigiri vemunharaunda ino vari kutibatsira mukutsvaira marara nomusi weMuvhuro wega-wega izvo zvinoita kuti musha ugare wakachena.

“Tine nzvimbo ina dzatinounganidzira marara apo anenge akamirira kuzotakurwa asi tave nedzimwe dzave kungonyuka. Zvakare, motokari dzedu dzinotakura marara mbiri dzakafa nokudaro tichiri kuda rutsigiro rwemotokari dzemarara kuitira kuti asarambe akaungana panzvimbo pamwe seizvi,” vanodaro Kanzura Maseko.

Vachitaurawo, mukushi wemashoko kuEMA, VaSteady Kangata, vanoti pasi pemutemo, imhosva kurasira marara pose-pose.

“Kune mutemo unosunga vanhu uye makambani anorasira marara pese-pese. Kanzuru yeHarare takatomboifaindisa pamhosva dzekusaiita basa nemazvo.

“Zvisinei, takaonawo zvakakosha kuti tishande pamwe chete nayo mukurwisa nyaya dzemarara nezvimwe. Tiri kubatsirana mukufundisa veruzhinji kuti vapinde muzvirongwa zvakadai sekubika marara patsva vachigadzira midziyo, kurasira marara panzvimbo dzakakodzera, kugadzira bio-gas kubva mumarara kuti wawane chouviri. Nzira dzese idzi dzinobatsira mukuderedza huwandu hwemarara anoraswa munharaunda,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey