Huku dzakaisirwa muchetura

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MURIMI wemubhuku raChigora, kwaShe Mangwende, kwaMurehwa, akagurwa kunorira apo akarasikirwa nehuku 14 munyaya inofungidzirwa kuti dzakaisirwa muchetura nemumwe wevavakidzani vake.

Nyaya iyi iri kuferefetwa nemapurisa eko.

Pakasvika Kwayedza pamusha uyu svondo rapera, yakawana huku dzakaita murakatira dzichinhuhwa zvikuru nekuda kwemhando yemushonga wemapiritsi waiva washandiswa semuchetura. Langton Mavhunga (35), uyo ane mbiri yekupfuya huku nezvimwe zvipfuyo, akashaya zano nekuda kwechiitiko ichi.

Ari kupomera muvakidzani wake, Michael Nyamhunga (44), kuti ndiye akaisira huku idzi muchetura.

“Ndaurairwa huku dzangu nemuvakidzani wangu anovawo mukoma pahukama hwedu. Ihuku 14 dzafa, adziisira mapiritsi anouraya tumbuyu muzvirimwa.

“Marimwezuro nazuro akambonditi, ‘Vharira huku dzako, uchadziwana dzakafa dzose’. Aiti dzaidya chibage chake chaimera mumunda saka nhasi tazodziwana dzakafa dzose kudai. Azadzikisa mashoko ake,” akadaro Mavhunga achiita seachachema.

“Magarisirano angu nemurume uyu haana kuita zvakanaka. Anogara achindivhundutsira achiti achandibvisa chete pasitendi pangu achiti ndepake. Nguruve dzangu 7 ndakambodziwana dzakafa dzose nembwa zvaisirwa muchetura nemunhu wandisina kuziva.

“Zvino ndave kufungidzira kuti ndiyeyu zvakare. Kana vana chaivo ndave kutya kuti vanokwanisa kuisirwa chepfu,” akadaro Mavhunga.

Pamusha apa pakawanikwa paine mapurisa maviri vaifeya nyaya iyi vepakamba yepaBhora sezvo yakanga yamhan’arwa.

Nyamhunga akarambisisa nyaya yaari kupomerwa.

“Iye zvino ari kutaura kuti huku dzangu dzanodya mushonga waakaisa kumunda kwake achida kuuraya horwe, kunyepa. Ane mapiritsi ekuisa mumatura echibage ayo akapihwa nemunin’ina wake.

“Akanditi muchadzidza lesson ndauraya huku dzenyu,” akadaro.

Mashoko ekuuraya huku aya anonzi akataurwawo kumudzimai waMavhunga, Nyaradzo Mugwagwa, kakawanda.

Nyamhunga anoti huku idzi dzakafa nekuda kwemushonga waakanga ashandisa muzvirimwa zvake.

“Hongu, huku idzi dzafa nekuda kwemushonga wandakaisa muchibage changu ndichida kuuraya horwe dziri kupara chibage changu. Asi horwe idzi hapana kana imwe chete yakafa, hamheno kuti sei.

“Ini handina mudzimai ndinogara ndoga, changu kuenda kumabhawa. Saka handikwanise kupfuya huku kana zvimwe zvipfuyo,” akadaro Nyamhunga.

“Ndakambovataurira kuti vavhare huku dzavo vakaramba ndichiti ndaida kuisa mushonga wekuuraya horwe. Nhasi ndazoteverwa kumunda uko ndanga ndichiisa fetireza ndikanzi ndauraya huku dzevaridzi, muteyo uyu wazobata huku kwete horwe,” akadaro.

Murume uyu akaramba nyaya yekuti akanga auraya huku idzi achida asi kuti itsaona.

“Kuwirirana zvedu hapana pakati pangu nemurume uyu anova munin’ina wangu nemhuri yake,” akadaro.

Mutemo haubvumire kuuraya zvisikwa zvesango pamadiro sekushandisa muchetura.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekumbotsvaga mafambiro enyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey