Uncategorized

Hurumende yosimudzira chikamu chekushanyirwa

28 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Hurumende yosimudzira  chikamu chekushanyirwa Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

 Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti chikamu chezvekushanyirwa kwenyika chakadzoserwa kumashure zvakanyanya nechirwere cheCovid-19 muna2020 na2021 izvo zvakaona vashandi vanodarika 9 000 vemuindasitiri iyi vachirasikirwa nemabasa uye pari zvino pane hurongwa hwakasimba hwekuchisimudzira.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet svondo rapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvirongwa zvakadai selockdown nekusafamba zvakasununguka kwevanhu pasi rose nekuda kwedenda iri, zvakakanganisa budiriro yechikamu chezvekushanyirwa kwenyika.

“Cabinet inoda kuzivisa kuti chirongwa cheNational Tourism Recovery and Growth Strategy, icho chine chinangwa chekusimudzira chikamu chezvekushanyirwa kuti chinge chave kuunza US$5 bhiriyoni panosvika gore ra2025, chiri kufambira mberi zvizere zvichitevera kuparurwa kwachakaitwa naHis Excellency the President munaNyamavhuvhu 2020. Indasitiri yezvekushanyirwa yakadzoserwa kumashure zvakanyanya nedenda reCovid-19 muna2020 na2021, zvikuru nekuda kwemalockdowns pamwe chete nekurambidzwa kushanya kwevanhu pasi rose. Izvi zvakakonzerawo kurasikirwa kwevashandi 9 000 nemabasa pamwe nekuvharwa kwenzvimbo dzinosvika 37 dzekushandira.

Zvisinei nemamiriro ezvinhu aya, pane budiriro huru yavepo pari zvino mukumutsiridza chikamu ichi,” vanodaro.

Budiriro iyi, vanodaro Sen Mutsvangwa, inosanganisira kusimudzirwa kwenyaya dzekushanya nevanhu vari muZimbabwe kuburikidza nechirongwa cheZimBho Campaign icho chakaparurwa muna2020.

Izvi zvakaona huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vakashanyira nzvimbo dzinochengetwa mhuka dzesangano kumativi ose enyika huchiwedzera kuenda pa251 088 gore rapera kana zvichienzaniswa ne173 714 muna2020.

Pamusoro pezvo, huwandu hwemari yakashandiswa kutsigira kubudiriro yechikamu chezvekushanyirwa nevemabhizimisi akasiyana hwakawedzera kubva paUS$86 miriyoni muna2020 kuenda paUS$142 gore rapera.

Zvivakwa zvenzvimbo dzinoshanyirwa dzakatsaukana zvakavandudzwa zvakare uye izvi zvinosanganisira Victoria Falls Rainbow Hotel, Cresta Group of Hotels neVictoria Falls Hotel.

Zimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks) iri kuvandudzawo malodge ayo kuNyanga, Vumba neChimanimani National Parks.

Sen Mutsvangwa vanoti mari inosvika US$133.2 miriyoni – kubva kumushandirapamwe weHurumende nemakambani akazvimirira (Public-Private Partnership) – yakashandiswa zvakare mumabasa ane chekuita nezvekushanyirwa kwenyika pakati pa2021 negore rino.

Ndege dzekunze dzakambenge dzamira kuuya muZimbabwe zvichitevera kurambidzwa kushanya kwevanhu pasi rose nekuda kwechirwere cheCovid-19, dzakatanga kuuya zvakare.

Dzinosanganisira Qatar Airways iyo yakatanga munaNyamavhuvhu 2021, MACK Air yekuBotswana yakatanga kufamba rwendo rweKasane-Victoria Falls munaChivabvu 2021 uye neFast Jet iyo yakatanga munaKurume gore rino.

Ndege idzi dzakawedzera pane dzimwe dzagara dzichiuya muZimbabwe dzakadai seEthiopian Airlines, Kenya Airways, South African AirLink, Rwandair, Air Tanzania neEmirates.

Dare reCabinet, vanodaro Sen Mutsvangwa, rakaita zvisungo zvine chitsama zvakananga kusimbaradza kusimukira kwechikamu chezvekushanyirwa kwenyika.

“Bazi rinoona nezvenharaunda, mamiriro ekunze nekushanyirwa rinofanirwa kuita hochekoche nerehomwe yenyika mukuve nehurongwa hwakasimba hwekutsigira nemari yekumutsiridza chikamu chezvekushanyirwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey