Hutungamiri hweZifa hwosarudzwa

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Hutungamiri hweZifa hwosarudzwa

Kwayedza

Abel Ndooka
MAZISO evatsigiri vose venhabvu svondo rino achange akaiswa pasarudzo dzichaitwa nemusi weMugovera muHarare dzekutsvaga mutungamiriri wesangano rinotungamira nhabvu yemuno reZimbabwe Football Association. Nhengo ina dzinoti Phillip Chiyangwa, Leslie Gwindi, Trevor Carelse-Juul naJames Takavada vose vari kurwisana kuti vapinde pachigaro chinopisa ichi icho chakasiiwa naCuthbert Dube nguva pfupi yadarika.

Kune rimwe divi, dzimwe nhengo dzakawanda dzinosanganisira Edzai Kasinauyo, Beadle Musa Gwasira, Lewis Uriri, Joseph Musariri naPiraishe Mabhena vari kukwikwidza kuti vasarudzwe kupinda mubhodhi reZifa.

Basa guru rasarira mumawoko emakanzura (councillors) eZifa nekuti ndivo vane simba rekuvhotera vatungamiri avo vavanofungidzirwa kuti vakakodzera kusimudzira nhabvu yemuno.

Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro neaimbove chamangwiza wechikwata cheLengthens “The Happy People” FC icho chaimbokwikwidza muPSL uye ari zvakare fixtures secretary wePremier Soccer League, Beadle Musa Gwasira.

Gwasira anoti makanzura eZifa akarakidza kare kuti vakakanganisa mukusarudza Cuthbert Dube kuti atungamire sangano iri nekumubvisa kwavakamuita pachigaro ichi saka ngavavhote zvine hungwaru kuti mune ramangwana vasazoti vakakanganisa zvakare sezvavakaita panaDube.

“Nguva yatatarisa iyi ndiyo icharakidza kuti nhabvu yedu iri kunanga kupi. Bhora rasarira mumawoko emacouncillors ndivo vane simba rekuumba kana kuparadza nezvavachasarudza svondo rino. “Vakarakidza havo kare kuti havachade zvisina basa apo vakabatana kubvisa Dube pachigaro chinopisa ichi saka hatidi kuzonzwa mune ramangwana vachiti takatadza kusarudza zvakare.

“Apa pari kufanirwa kusarudzwa vanhu vanobata basa rinodiwa nevanhu vanozokwanisa kusimudza nhabvu yedu muno nekuti tikarivara tichaiparadza zvachose,” akadaro Gwasira.

Gwasira akaenderera mberi ndokuti vatungamiri veZifa vachasarudzwa vanofanirwa kunge vachishandika navo uye vanobatsira kuchenesa chimiro chesangano iri.

“Tinoda kuti pave nevatungamiri vane chiremerera avo vachashanda nesimba kusimudzira nhabvu yedu.Mutungamiri akanaka ndeuwo wekuti kana vakotsveri havambotye kudira mari yavo nekuti vanenge vachiziva kuti ichange ichishandiswa nemazvo.

“Chimwe chikuru ndechekuti ngatisarudze zvinhu zvinodiwa nevatsigiri venhabvu nekuti ndivo vatiri kugadzirira mutambo uyu,” akadaro Gwasira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey