MaLady Chevrons orwira kuenda kuWC

25 Apr, 2024 - 22:04 0 Views
MaLady Chevrons orwira kuenda kuWC MaLady Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wecricket akamboita mukurumbira pasi rose — Courtney Walsh — akagadzwa pachigaro chacounsultant izvo zvichamuona achishanda nechikwata chemaLady Chevrons apo chiri kurwira tikiti rekuenda kuICC Women’s T20 World Cup kuBangladesh gore rino.

Walsh, uyo anove chizvarwa chekuWest Indies, achange achibatsira Walter Chawaguta murairidzi wemaLady Chevrons.

Parizvino maLady Chevrons ari kuUnited Arab Emirates (UAE) kumutambo weICC Women’s T20 World Cup Qualifier 2024.

Courtney Walsh

Kumutambo uyu, pari kutsvagwa zvikwata zviviri zvichabudirira kuenda kuBangladesh uko zvichazonotatsurana nezvimwe zvagara zvakabudirira kare.

MaLady Chevrons achasangana nezvikwata zvinoti UAE, Ireland, Netherlands neVanutau muGroup B.

Achitaura pamusoro pekugadzwa kwaWalsh, managing director weZimbabwe Cricket – Givemore Makoni – anoti danho iri richasimudzira zvikuru maLady Chevrons uye ane chivimbo chekuti achabatsira chikwata chavo kubudirira kuenda kuWorld Cup.

“Tinoti tine rombo rakanaka nekuti takawaniswa mukana wekuunza Courtney satechnical consultant panguva iyo tiri kurwira kuenda kuWorld Cup.

“Mumwe wevatambi vecricket vane mukurumbira pasi rose uye tinovimba kuti ruzivo rwaanarwo rwekurairidza zvikwata zvemadzimai zvakasiyana zvichatibatsira kuti tihwine chimwe chezvinzvimbo zviviri zviri zvekuenda kuWorld Cup iyo ichazotambwa gore rino,” anodaro.

Walsh, uyo aimborairidza chikwata chemadzimai cheWest Indies nguva pfupi yadarika, aive muZimbabwe achiona mitambo yemaLady Chevrons apo akakunda chikwata chePapua New Guinea.

Mitambo yeUAE iri kutanga musi weChina chino uye zvikwata zvakaiswa mumapoka maviri, A neB.
Muboka rimwe narimwe muchabuda zvikwata zviviri izvo zvichatamba musemi-final uye zvichahwinha ndizvo zvichabudirira kuenda kuWorld Cup.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>