‘Huwori bodo, chengetedzai mhuka’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VASHANDI vanochengetedza mhuka dzesango vanokurudzirwa kuita basa ravo nemazvo uye kuti vasiyane nehuwori hwekupihwa chiokomuhomwe nenhubu dzinovhima mhuka zvisiri pamutemo.

Kurudziro iyi yakaitwa negurukota rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, nguva yadarika pamusangano wakaitwa muHarare uyo waive wakananga kutsvaga nzira dzekuchengetedza mhuka dzesango, weEthical and Sustainable Safari Hunting.

“Vanhu ngavachengetedze mitemo maerano nekuchengetedzwa kwemhuka nekuti izvi zvinosimudza upfumi hwenyika kubudikidza nekushanyirwa neavo vanobva kunze nevemuno. Avo vachabatwa vachiita huwori mukuchengetedzwa kwemhuka kuburikidza nekupihwa chiokomuhomwe kuti mhuka dziurayiwe vacharangwa nemutemo,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

“Iye zvino hakuchina avo vachauraya mhuka vachida ma’trophies’, kunyanya vanobva kunze kwenyika. Hatichatenderi zvakadaro uye anoonekwa achiuraya mhuka nedonzvo rekutakura ‘trophy’ achapihwa mutongo wakaomesesa,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa nemukuru wesangano reSafari Operators Association of Zimbabwe, VaEmmnauel Fundira, vachiti mhuka dzesango dzinofanirwa kuchengetedzwa nekuti ipfuma yenyika.

Gore rapera muna Chikunguru, chimwe chizvarwa chekuAmerica chakauraya imwe shumba zvisiri pamutemo iyo yaive nemukurumbira yaizivikanwa nezita rekuti Cecil kuHwange Game Reserve.

Izvi zvakaita kuti Hurumende isimbise matanho akananga kuchengetedzwa kwemhuka dzesango.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey