Uncategorized

‘Huyai kuFood & Culture Festival’

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Huyai kuFood &  Culture Festival’ First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Elita Chikwati
GADZIRIRO dzedopiro rekutanga rekuratidzirwa kwekudya kwechivanhu (Zimbabwe Food and Culture Festival) — iro riri kutanga nemusi weChina uno muguta reHarare — dzasvika kwamvura yacheka makumbo.

Chirongwa ichi, chinova chakavambwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, chichange chichiratidzira tsika nemagariro evanhu vatema. Mitambo yakasiyana yechivanhu icharatidzirwa muHarare Gardens kubvira neChina chino kusvika neMugovera nechinangwa chekusimudzira nyaya dzekushanya.

Mai Busi Marandure — avo vanova chamangwiza wesangano reAngel of Hope Foundation — vanoti vanofara zvikuru nebudiriro yakatarisana nechirongwa ichi.

Vanoti chiri kutsigirwa nemakambani nevamwe veruzhinji.

“Tine vana vemuzvikoro zvepuraimari nesekondari nevemayunivhesiti vachauya kuzotsigira chirongwa ichi. Tinoda vanhu vakawanda kuti vauye kuzotitsigira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey