Huyai mupe ropa: NBSZ

06 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Huyai mupe ropa: NBSZ

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NATIONAL Blood Services Zimbabwe (NBSZ) yakaparura chirongwa chekukurudzira veruzhinji kuti vape ropa, kunyanya panguva iyo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19 uyewo zororo reKirisimasi neGoredzva rave pedyo kusvika.

Nguva yezororo ndiyo inodiwa ropa zvakanyanya nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Advocate Rodgers Matsikidze, avo vanova sachigaro webhodhi reNBSZ, vakataura mashoko aya pakuparurwa kwechirongwa ichi muguta reHarare svondo rapera uye chiitiko ichi chinocherechedzwa gore negore.

“Chirwere cheCovid-19 chakaunza matambudziko mazhinji anosanganisira kukanganisa mashandiro esangano reNBSZ, asi nekuda kwerutsigiro rwakabva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, sangano reWorld Health Organisation (WHO), bhodhi reNBSZ nekomiti inoona nezvekupihwa kweropa, vapi veropa uye nhengo dzeNBSZ neveruzhinji takwanisa kuramba tichipa ropa nezvigadzirwa zvinobva mariri tichifambirana nemitemo mitsva yakadzikwa neHurumende iyo ine chinangwa chekuderedza kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Adv Matsikidze vanoti pachine basa guru rekuti vakurudzire vamwe vapi veropa, zvikuru vekumaruwa.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti varambe vachipa ropa kuti nyika isaramba ichirasikirwa neupenyu. Tiri kushanda zvekare nevechidiki vari muchikwata chePledge 25 chinova chakazvipira mukupa ropa,” vanodaro.

Adv Matsikidze vanoti zuva nezuva zvipatara zvinoda ropa rekubatsira vanhu vanokuvara zvakanyanya, vanorwara nevane dambudziko rekushomeka kweropa.

“Izvi zvinoratidza kuti kupa ropa kwakakosha, ndicho chikonzero tiri kucherechedza kukosha kwevapi veropa kunova kunoumba sungawirirano pakati pemarudzi. Vanhu vari kuzvipira kupa ropa pasina kutarisira kuwaniswa muripo nekudaro mwoyo wakadaro tinoda kuti uve nevazhinji kuti ropa rigare rakaringana kumizinda yedu uye muzvipatara,” vanodaro.

Adv Matsikidze vanoenderera mberi vachiti, “Sangano reNBSZ rakambosangana nedambudziko rekushomeka kweropa kumizinda yaro nekudaro rakatozoshandisa nzira dzine hunyanzvi kuti vanhu vape ropa nehuwandu hwavo.

“Pakaita dambudziko guru apo nyika yakanga iri kukundikana kuwana ropa iro riri muchikwata cheBlood Group O kumizinda inochengetedzwa ropa asi tinotenda vatsigiri vedu avo vakarwa vamire, mumwe wevatsigiri ava ibazi rePOTRAZ uye takashandisa masaisai akadai seFacebook neTwitter kuti tinge tichibatana nevanhu vaida kupa ropa,” vanodaro.

VaJulian Ronald Buss, avo vakatanga kupa ropa mugore ra1977, vanoti havasi kumira uye vava padyo nekupa ropa kanokwana ka300.

“Pandichasvitsa makore 70 ekuberekwa gore rinouya, ndichapemberera zvekare kupa ropa kanosvika ka300. Mhuri yangu yose inopa ropa kunze kwemwanakomana wangu ari kuSouth Africa nekuda kwekuti nyika yaari haibvumi kutora ropa revanhu vanobva kunyika dzine chirwere chemalaria zvisinei nekuti ane shungu yekuita zvimwe chetezvo,” vanodaro.

VaBuss vanokurudzira veruzhinji kuti vazvipire kupa ropa nekuti rinobatsira mukuchengetedzwa kweupenyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey