Uncategorized

Hwindi ngaabve pa‘rank’

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Hwindi ngaabve pa‘rank’

Kwayedza

Izvi zvinotevera kubuda kwenyaya yekurwiswa nekubirwa mari kwemunyori weKwayedza, Kingstone Mapupu, nematsotsi emahwindi kuMbare Msika svondo rapera pamberi.VANHU vakawanda vanoti vanoshamisika kuti sei dambudziko rekushungurudzwa kwevafambi vanokwira mabhazi nemakombi nemahwindi risiri kupera zvisinei nekuchema-chema kwavari kuita kuburikidza nekubirwa, kutukwa zvinyadzi kana kurwiswa.

Mapupu akarwiswa pamwe nekubirwa nemahwindi panokwirirwa mabhazi anoenda kuBeitbridge nekuSouth Africa apo aikwidza mudzimai wake.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, svondo rapera vakati vanhu vanoita zvechihwindi vari kutopara mhosva nekuti pasi pemutemo havazivikanwe, nekudaro mapurisa eZimbabwe Republic Police vakatotanga kusunga vose vanoita basa rehunhubu.

Zvachakadai, vaverengi vakawanda vari kushora nhubu idzi vachiti mahwindi ave kutozviita mutemo pachavo.

Hezvinoi zvakatumirwa nevamwe vaverengi:

Mapurisa sungai mahwindi, dhiraivha aripo nakondakita zvakare. Saka hwindi ndewei? Kutsvaga kutibira uko. Pfigirai hwindi wose aende kujeri. — 0773 899 348.

* * *

Chinhu chinonzi hwindi chinoshungurudza hama dzangu. Ndakambokwira rimwe bhazi raienda kwaMutare bhegi rangu ndokuiswawo mune rimwe bhazi nahwindi. Ndakazobatsirwa nevamwe amai vakange vaona ndichidhonzwa-dhonzwa. – 0772 863 298.

* * *

Kuona kwangu vemutemo vakundikana kubata nhubu dzemahwindi saka tinokumbirawo masoja apindire panyaya iyi nekuti tatambudzwa nemahwindi. — 0777 395 302.

* * *

Mahwindi ari kushungurudza vanhu zvikuru. Mukaenda paMarket Square (muguta reHarare) pakanangana neChicken Inn pane mahwindi ari kubira vanhu. Vanoti kwati-kwati newe vobva vaba mari, ndakatobirwa foni yangu yandakanga ndatenga nechikwereti. —0734 182 072.

* * *

Nyaya yekurwiswa kwemunyori weKwayedza, Kingstone Mapupu, nemahwindi inorwadza zvikuru. Dambudziko ratave naro nderekuti mapurisa ave kungofunga zvemumugwagwa chete nenyaya yemari inowanikwamo. Basa ravo chairo havachaiti. — D.D Maps, Gweru.

* * *

Mahwindi dzatova mhuka, enda paMbare Msika panokwirirwa mabhazi anoenda kuBulawayo, vanotokutakura kukukanda mubhazi . Ndinofunga kuti imbanje dzinovadariso. Mapurisa sungai vanhu! — Baba vaChiwa, Chi-town.

* * *

Mapurisa ngavasunge mahwindi ose abve. Hameno kuti vanoda kutanga vaona chitunha chemunhu anenge aurayiwa nemahwindi here? Unoshaya kuti tave kumborarama munyika ipi? — A.C.K, Harare.

* * *

Taneta nehwindi, ngaangovharirwa zvipere. — Ndarwadziwa, Norton.

* * *

Maonero edu ndeekuti Hurumende ngaipindire nekutora matanho akasimba panyaya yemahwindi nekuti mapurisa ari kuratidza kunge azvitadza. — Nyamudahondo, Waterfalls.

* * *

VeKwayedza mave kumberi! Muripo pakutipakurira mitakunanzva, dzidziso nezviri kuitika munyika nerurimi rwaamai. Zvechokwadi pamusika weMbare patove kutyisa kupfuura sango rine shumba. Mapurisa ngaapindire panyaya iyi nokuti tave kutotya kupasvika nekuti tinorohwa totorerwa mari tosara tave tsuro dzemubhuku. — Ellen, Bloomingdale.

* * *

Mahwindi ekuMasvingo neBeitbridge anonyanya kubira vanhu uye kutuka zvinyadzi. — Nelly.

* * *

Zvandakaitwa nemahwindi epanaFourth Street (muguta reHarare) ndaienda kwaMutare nehinjini yangu yekudiridzisa zvirimwa uye ndakaramba kupinda mubhazi ravaida. Vakabva voda kuti bhazi iroro ritsike hinjini yangu uye pazvakaramba vakabva varasa mabhegi angu mapurisa akatarisa. Ngavabve panokwirirwa mabhazi nemakombi nekuti isu tinoziva kwatinenge tichienda tega. — B.Z, Harare.

* * *

Tinotenda nemashoko akataurwa nemutauriri wemapurisa Chief Superitendent Paul Nyathi pamusoro pemahwindi. Tange tichikumbirawo kuti kudai vatipa nhamba dzenhare yavo kuitira kuti tikaripota tikashaya chinoitwa tivabate ivo nekuda kwenhamo yatiri kuoneswa nemahwindi. —0772 780 551.

* * *

Mahwindi atotijairira manje, munhu unodhonzwa-dhonzwa obirwa. Tave kutotadza kusununguka kana kutokwira makombi. Ngavasungwe vose vapfana veBronco ava. Inga makombi kana mabhazi anenge akanyorwa zvikwangwari kwaanenge achienda wani. Saka vanhu vanongoverenga, voziva kwaari kuenda. Izvi zvekuti vanodeedzera zvinofanira kupera! — 0783 767 337.

* * *

Mahwindi anokutambira mikwende yako vokupinza mukombi yausingadi uye pamwe pacho ukati udzike unonyimwa bhegi rako. — 0771 625 914.

Ndaive nemwana kumusana, mumwe achifamba tichinokwira mabhazi ekuMacheke kuMbare Msika. Mwana wangu akadhonzwa nemahwindi ndichibva ndamira kumununura. Kudai Hurumende yaisa mauto panzvimbo dzose dzinotakurwa vanhu nemabhazi kuitira kuchengetedza veruzhinji kubva kunhubu idzi. Mahwindi ari kukonzera kusagadzikana pakufamba. – 0777 866 954.

* * *

Makadiyi zvenyu veKwayedza? Ini handisi kufara nezviri kuitwa nemahwindi, kunyanya muguta reHarare. Vadzimai vangu vakatozobhadhara kondakita werimwe bhazi kuti vaperekedzwe nekuda kwemahwindi aida kuvabira. Mumwe aivati unza $2 yangu yawanhonga kuri kunyepa. – L.M, Harare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey