icasa: ‘zvedu zvakabhadhara’

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MAPOKA akasiyana pamwe neveruzhinji vari kutambira nemufaro kuitwa kwemusangano mukuru muZimbabwe weInternational Conference on AIDS and STIs (ICASA). Musangano mukuru wakatanga muHarare nemusi wa29 Mbudzi uye unotasirirwa kupera nemusi weChishanu chino, 4 Zvita.

VaTatenda Songore, avo vanove executive director wesangano reYouth Advocate Zimbabwe, vanoti musangano weICASA wakakoshera nyika ino zvikuru munyaya dzekudyidzana kwevagari vemuno nevekunze mukufambiswa kwemabhizimusi uye mabhindauko anounza mari munyika.
“Maonero angu, ICASA ichaita kuti tinge tichibudirira senyika zvisinei nekuti iri kuitwa kwemazuva mashoma. Mukana uyu tinofanira kuubatisisa nekuti tiri kusangana nevanhu vari kubva kunyika dzinodarika 150 apo vemabhizimusi vanoita hurukuro munyaya dzekutengeserana zvinova zvakakosha,” vanodaro VaSongore.

Mai Agnes Makoni, vanove muongorori munyaya dzezveutano (analyst for maternal health) kusangano reUNFPA, vanoti ino ndiyo nguva yekuti vanhu vange vachipangwa mazano akadzama maringe neHIV.

“Ndinovimba kuti ruzivo rwakakosha kudarika zvose nekuti kana munhu akaziva anotora matanho akamukoshera muupenyu hwake. Sezvataiona paterevhizheni nguva yadarika, apo vechidiki vaibvunzwa kuti vanotyei HIV kana kuti pamuviri, vazhinji vaiti vanotya HIV nekuti pamuviri vanogona kuzochengeta mwana wacho.

“Asi kana vechidiki vakafundiswa kuti zvose izvi zvinokanganisa upenyu hwavo, vanotora matanho akaita sekumira kuita zvebonde kusvika nguva yakwana, kushandisa dziviriro yemakondomu nedzimwe nzira dzekurera mhuri kuitira kuti vasaite pamuviri pasina kurongeka pamwe nekuvhenekwa HIV vasati vapinda pabonde,” vanodaro.

Ivy Mushanyuki, uyo anoshanda kukambani yeRoots inogadzira zvipfeko zvemhando yemaT-Shirts, anoti musangano uyu wavapawo mukana wekuti vazvishambadze sevemabhizimisi madiki.

Mashoko ake akatsinhirwa naTatenda Mutingwende (17) achiti makambani madiki asimudzirwa zvikuru neICASA. VaMarihaiputse Kangausaru (48) vekuWarren Park D, muHarare, avo vairatidzira shangu nemabhegi akagadzirwa nematehwe emhuka, vanorumbidzawo kuitwa kwemusangano uyu muZimbabwe vachiti iyi ibudiriro huru munyaya dzekusimudzira kuzvishambadza kwenyika.

“Tinofara nekuti mahotera edu akazara zvinoita kuti tinge tichiwana mari nekuti makasitoma akaunzwa neICASA akawanda. Dambudziko nderekuti isu vemabhizimisi madiki takaisirwa matende edu kure nevanhu vanofanira kuona zvinhu zvedu. Tinongoda kuti ipapo pagadziriswe mutambo uyu usati wapera nekuti takabvisawo mari dzedu kuti tive pano,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey