Uncategorized

Imbomirai mitambo yechivanhu: Mambo

09 Aug, 2021 - 04:08 0 Views
Imbomirai mitambo  yechivanhu: Mambo Mambo Zimunya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Zimunya vekwaMutare, kudunhu reManicaland, vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuungana vachiita mitambo yechivanhu sekurova makuva pazororo remauto neremagamba sezvo kuungana kusiri kutenderwa pari zvino nechinangwa chekuedza kumisa kupararira  kweCovid-19.

Zororo remauto ririko nemusi weMuvhuro uno apo remagamba ririko neChipiri.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vanoti igaroziva kuti panouya mazororo akadai, vemhuri vanoungana vachironga mitambo yakasiyana yekupemberera budiriro yavo uye izvi zvinosanganisira kurova makuva kana kuisa matombo kumarinda evadikani vavo.

“Izvozvi tinoziva kuti kune vamwe vanhu vasingaterere mashoko nekurudziro iripo takanangana nekurwisa denda ranetsa reCovid-19 iri, vari kutobika doro rechivanhu kugadzirira kurova makuva kana zvimwe. Tinoti izvi bodo, kuungana hakusi kubvumidzwa,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti kunyangwe veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vasafambe-fambe nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

Kune vamwe vari kutobva kune dzimwe nyika sekuMozambique nekuSouth Africa vavanotoziva mudunhu ravo vachiuya kuzoita chivanhu kumisha yavo.

“Mashoko akatosvitswa kudare rangu kare kuti kune dzimwe mhuri kune hama nevana vakatobva kune dzimwe nyika vari kuungana pazororo iri kuti vazobika doro rekuita chivanhu.

“Ini samambo wemuno, handibvumidze zvinhu zvakadaro, inguva yekutsvaga kuti tirarame tipedze chirwere ichi,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mutemo pari zvino hauzi kutendera vanhu kuungana sepamichato, mapira, kurova makuva nekuita nyaradzo.

Asst Comm Nyathi

“Makungano ose akamiswa uye vanowanikwa vachiita izvi vanosungwa. Tinoziva kuti pazororo rakadai mhuri dzinotora mikana iyi kuita magadziro akasiyana asi tinoti nguva iyi inokwana toita basa redu pasina kuzvipinza munjodzi dzekutapurirana chirwere ichi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey