‘Ini handibude, ino imba yenhaka’

19 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
‘Ini handibude, ino imba yenhaka’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI anogara muHarare anoti hanzvadzi yake yakapotsa yapisa imba apo yakavhurira gas rikazara mumba yose pavaipopotedzana vachinetsana pamusoro pemba yavakasiirwa nevabereki vavo.

Vimbai Mariwa akaudza dare reHarare Civil Court kuti hanzvadzi yake, Innocent Mariwa, ari kumushungurudza achiti anofanirwa kugara muimba yekubikira kuitira kuti iye nemudzimai wake vogara mune yekutandarira.

“Tine roja rataigara naro saka parakabuda akatanga kundidzinga muimba yekutandarira achiti anoda kugara imomo nemudzimai wake ini ndoenda mukicheni makabuda roja riya. Apo ndakazviramba ndipo akatanga kukanda midziyo yangu panze,” anodaro Vimbai.

“Mumwe musi akavhurira gas mumba rikazara imba yose, ndakazoribudisa panze tangi racho nekuti imba yaitozobvira moto. Anogara achindirwisa nekundityityidzira, ndave kutyira upenyu hwangu nevana. Iyi imba yevabereki vedu saka tinofanira kugara tose murunyararo.”

Innocent haana kupikisa zvose zvakataurwa nehanzvadzi yake.

Mutongi Sharon Mashavira akapa Vimbai gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey