Uncategorized

‘Ini ndakakupa kamuti, kwete ruva’

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
‘Ini ndakakupa kamuti, kwete ruva’ Sandra Tirivangani

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI achangobva kushaikirwa nemurume wake uyo anogara mudzimba dzemudurikidzwa dzeNenyere Flats, kuMbare, muguta reHarare – uyo ari kupomerwa nemuramu wake kuti ndiye akamupa ruva rave kuita maminimini – anoti haana kumupa ruva, asi kamuti kekuti asime.

Thompson Luke (31) anoti akapihwa ruva naSandra Tirivangani (31) – uyo anova amaiguru vake mudzimai wemukoma – iro akanosima kumba kwaari kugara kuBudiriro 1 Extension, muHarare.

Murume uyu anoti zvino ava kushaiswa rugare neruva iri achiti riri kuita manenji anosangnaisira kubaka moto.

Thompson munin’ina waThomas Luke uyo akashaika mwedzi mitatu yakadarika uye aiva murume waTirivangani.

Tirivangani anoti akapa babamudiki vake muti, kwete ruva, uyo akapihwa nevakabatsira kuviga murume wake.

“Murume wangu akafira muno muHarare, nhamo ikaitirwa kuno kuNenyere Flats. Takapihwa muti, kwete ruva, nevakatibatsira kumuviga. Takanzi tinoudyarwa paguva kana kumba.

“Patakanoviga mutumbi kuMbudzi, takakanganwa kamuti aka kumba. Ndakazokapa babamudiki mushure memazuva matatu apo vakanokadyara kumba kwedu kuBudiriro, nekuti kuno kumaflats hakuna pekuudyara.

“Ikoko kuBudiriro kwavari kugara kumba kwangu nemurume wangu asi takati babamudiki ava vambofanogara sezvo vasina kwekugara,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti nyaya yekuti babamudiki vake vanoti vari kunetswa neruva iri anongoinzwawo.

“Pane zvakawanda zvekuda kundisvibisa izvo vari kutaura, kana vachinetswa nezvinhu zvavanoona ikoko sei vari kuramba vachigarako? Handina mushonga wandinobata sekutaura kwavo, kana iwo muti wandakavapa hapana zvauri.

“Ndakanzwa nyaya yekuti mumba makaungana nyuchi, vanhu variko vanoti dzinopinda mudzimba dzakawanda.” 

Tirivangani akashamiswa nenyaya yekuti murume wake anonzi ari kumuka chipoko chiri kunetsa Thompson nemhuri yake.

“Zvose zvekuti pamba hapasi kugarika paanoti panofamba vanhu handizvizive. Nyaya huru iripo ndeyekuti babamudiki vari kundirwisa nekuda kwemba yekuno kuNenyere, inova yavatezvara navamwene vangu avo vose vakashaika. Handizive kuti iye Thompson anodei kwandiri.

“Vakamboda kundibvisa pano ndikavaendera kumatare edzimhosva zvikarambwa. Babamudiki Thompson vakangoberekwa mudumbu mumwe chete nemurume wangu asi vanababa vavo vakasiyana,” anodaro.

Tirivangani anoenderera mberi: “Thompson anababa vake vanogara kumaJubheki, imo muno muMbare, vatori vapenyu uye vanemba yavo. Vanobva kwaMutoko saka iye ngaaende ikoko.

“Murume wangu anababa vake nevamwe vaviri saka ngaasiyane neni. Ngaaende kumba kwavo kwete kunetsana neni, ndakasiiwa nemurume wangu pano uye ndinochengeta nherera dzandakasiirwa.”

Mudzimai uyu anoti zvave kunetsa kuti Thompson arambe achigara kuimba yavo yekuBudiriro nekuda kwemashoko ari kubuda aya.

“Handikwanise kubuda mumba mavatezvara vangu sezvo paine vana nherera vari kuenda kuchikoro. Nyaya iri kutaurwa nababamudiki iyi ndeye kunyepa, kunyangwe zvekuti vakatamisa mukadzi ndakaendako ndikavawana variko vose. Svondo rakapera iri babamudiki vakauya kuno vachida bhutsu dzemukoma wavo ndikavapa,” anodaro.

Nerimwewo divi, Thompson ari kuramba nyaya iri kutaurwa naamaiguru vake yekuti aisava mwana wababa vamwe chete naThomas.

Anoti amaiguru vake vaitoda kurambira imba yavo yekuNenyere Flats.

Imba inonzi yave kurwirwa iyi yakasiiwa nababa vemhuri iyi VaBest Simbili nemudzimai wavo Christine Luke, avo vose vakashaika.

Tirivangani anoti imba iri kurwirwa iyi inogarwa nevanhu vakawanda, kusanganisira vazukuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey