Uncategorized

Ishe nasadunhu vakashaya

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi
ISHE Chinamhora vekuDomboshava, VaSimon Gandidzanwa Chidziva, vakashaya nemusi weChitatu svondo rapera ndokuvigwa kupurazi reChabwino nemusi weSvondo, kwakare kuGoromonzi. Mune imwezve nyaya inosuwisa, vakambobata chigaro chehushe hwekwaSeke, Sadunhu Manyere, VaRaphael Madigo Manyere, vakashaya zvakare nemusi weSvondo wadarika.
Vange vave nemakore 81 okuberekwa.

Ishe Chinamhora vakaberekwa musi wa22 Kurume 1945 uye vakagadzwa hushe uhu mugore ra2000.
Sadunhu Manyere vakambobata chigaro chaIshe Seke kubvira pakutanga kwa2013 kusvika pakupera kwegore ra2014.

Musi weMugovera wadarika, vaivewo pagungano rekuvhurwa zviri pamutemo kwechechi yeSt Alban Manyere Anglican Church naArchbishop Nolbert Kunonga, iyo yakavakwa nevagari vemunharaunda iyi.

Sadunhu Manyere vakavigwa kumusha kwavo kwaManyere nemusi weChipiri svondo rino.
Bepanhau reKwayedza ragara richishanda rakabatana zvikuru nevakuru vematunhu, vakaita semadzishe, masadunhu nemasabhuku, munyaya dzine chekuita nekuchengetedza tsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey