Uncategorized

Itai: Kana mombe ndinobopa . . . Ndiye nhangaruvanze kuverenga nhau paStar FM

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MUVERENGI wenhau panhepfenyuro ine mukurumbira yeStar FM, tsvarakadenga Itai Daisy Mutinhiri, anoti chishuwo chemunhu wose chinoguma chazadzikiswa bedzi kana pakave nekushingirira nekushanda nesimba.

Itai anoti mukukura kwake, aishuvira kuzoshanda kunhepfenyuro uye chido chake chakazozadzikiswa.

Muverengi wenha dzechiRungu uyu anoti ava nemakore ekuberekwa “ari pakati pemakumi maviri nemakumi matatu” uye kumusha anobva mubhuku raRuzvidzo, kwaMambo Nemangwe, kuGokwe.

“Handina kuroorwa, ndichiri kutotsvagiwawo nezvikomana asi handisati ndawana chaiye. Asika nguva zvayo haisati yapera, hapana chekumhanyira,” anodaro musikana akarurama uyu.

Itai ndewechishanu mumhuri ine vana vatanhatu, vanasikana vatatu nevanakomana vatatu.

Baba vake, VaDavid Sando Mutinhiri, vakashaya uye amai vake, Mai Rita Mutinhiri, vanogara kupurazi kwavo kuChegutu.

Itai, uyo anogara muHarare, anoti akakura achirima pamwe chete nevabereki vake.

“Ndakakura ndichisakura, kana mombe ndinogona kubopa nekubata gejo, ibasa randakafundiswa nababa vangu,” anodaro.

Akakurira kumusha weBarham Green, kuBulawayo, ndokudzidza Grade 1 kusvika 7 pachikoro cheSt Patricks. Akazoita Form 1 kusvika 3 paMontrose Girls High uye Form 4 akadzidza paNemakonde High, kuChinhoyi uko anoti akatsvunha pazvidzidzo zvake.

“Ndapedza Form 4, ndakatanga kuita zvesuper modelling (makwikwi etsvarakadenga) ndikakunda muHarare ndokuzoenda kumafinalists kuVictoria Falls apo ndaiva mutop 10 munyika.

“Ndakazokundawo mumakwikwi eMiss Summer Strides.”

Anoti mumakwikwi aya ndiye aiva mudiki pane vamwe vose sezvo aive aine makore 16 okuberekwa.

Mushure mezvo, akazonoita zvidzidzo zvekutora nhau pakoreji yeChristian College of Southern Africa.

“Ndakazowanawo mamwe mabasa aisanganisira rekutengesa pane imwe kambani hombe muHarare, ndokuzoitawo munyori mukambani inoita zvekurima maruva yekuRuwa,” anodaro.

Itai anoti akapinda basa kuZBC kuchikamu cheterevhizheni cheChannel 2 mugore ra2010 achiverenga nhau kusvikira muna2012.

“Pakavambwa nhepfenyuro yeStar FM, ndakaenda ndokunoongororwa tikaitiswa maauditions ndikabuda zvakanakawo. Ndakapinda ndikava wekutanga kuverenga nhau dzechiRungu kusvika nanhasi.”

Anoti anoitawo zvimwe zvirongwa panhepfenyuro iyi nerurimi rweShona neNdebele.

“Ndine chimwe chirongwa chevanhu vaimbova nembiri vakangonyarara pari zvino avo ndinotaura navo musi weChishanu choga-choka nenguva dza18:45 muchirongwa chinonzi Startainment chine zvikamu zvitatu,” anodaro Itai.

Itai musikana anofarira sadza nenyama yemombe kana nezvinyenza (maguru akamonwa).

“Munguva yangu yekuzorora, ndinofarira kubvakacha kunzvimbo dzemafaro, sekuVictoria Falls nekumwe.

“Ndinofarirawo zvakare kugara ndichiona mafirimu ndiri kumba.

“Kubvakacha kunze ndinokufarira zvikuru, ndinogara ndichienda kuChina, kuDubai, South Africa, Namibia, Mozambique, kuBotswana nekumwewo. Ndinotozvipa nguva gore roga-roga kuti ndibude kunze,” anodaro.

Pamitambo, Itai anofarira nhabvu necricket.

“Ndinotsigira zvikuru chikwata checricket chenyika chemuno uye kunhabvu ndiri mutsigiri weDynamos asi kunze ndinoda Arsenal.”

Anoti pavanhu vanoverenga nhau muno anoyemura Alice Mutema uye kunze kwenyika achidawo kutevera matsimba aIsha Seasay naRosemary Churchill veSky News. Munyaya dzemimhanzi anotapirirwa nenziyo dzaTererai Mugwadi naWinky D uye asi vekunze achifarira Rihanna.

Itai anoenda kuchechi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey