Iyi haipere mushe . . . Vana vaudza baba chipfambi chaamai

29 Jan, 2024 - 17:01 0 Views
Iyi haipere mushe . . .  Vana vaudza baba chipfambi chaamai Mambo Makoni

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MWANA akaziva kuti amai vake vari kuita chipfambi anoudza baba here? Hakusi kupara mhosva kana ngozi? Saka ongonyarara here kana kuti kufumura gure kuri nani?

Nekurwadziwa nehupombwe uhwo hunonzi hunoitwa naamai vavo apo baba vavo vanenge vasipo, vana veimwe mhuri yekwaMambo Makoni, kudunhu reManicaland, vakazofumura gure iri izvo zvakaita kuti vaviri ava varambane.

Izvi zvakabuda mudare raMambo Makoni apo Taurai Nyamukachi wekwaSabhuku Maparura akamhan’arira muvakidzani wake, Arthur Mugoti, achimupomera mhosva yekudanana nemudzimai wake.

Nyamukachi akaudza dare kuti vana vake nevamwe vagari vemumusha uyu vakamunyevera pamusoro pekufambidzana pakati paMugoti nemudzimai wake izvo zvakazoita kuti varambane.

“Pose pandinenge ndisiri pamba, Mugoti aipota achiuya kumba kwangu. Aitora mukadzi wangu odzoka naye manheru. Ini ndakaziviswa nezvenyaya iyi nevana vangu chaivo avo vanorwadziwa nehunhu hwaamai vavo husina kunaka.

“Vamwe vanhu vandakanga ndapa basa rekuchera mugodhi pamba pangu vakandiudzawo nezvekuuya kwaMugoti kumba kwangu nguva zhinji ndisipo.

“Pane imwe nguva Mugoti akauya manheru ndiripo mudzimai wangu ndokumhanyira kumusiwo akamuudza nezvekuvapo kwangu. Mwana wangu ari kuita Form 4 akavaona zvekare vari vose,” anodaro Nyamukachi.

“Mwana wangu nemukoma wake vakandizivisa kuti amai vavo naMugoti vanodanana.

“Nyaya iyi ndaikamhan’ara kudare raSadunhu Maparura. Mugoti akabvuma mhosva yake mudare ndokubhadhariswa mombe nembudzi nhatu asi iye zvino ari kuramba kubhadhara.

“Nyaya iyi isati yapinda mudare remusha, ambuya vangu vanova amai vemudzimai vakandipa gupuro ndokuenda nemwanasikana wavo. Takarambana manje. Ndinoda kuti Mugoti andipe mombe sere dzekundiputsira imba yangu,” anodaro Nyamukachi.

Zvisinei, Mugoti akaudza dare kuti akangoenda pamba paNyamukachi achida kunotenga madomasi bedzi uye haana kumbobvira adanana nemudzimai wake.

“Ndakaenda pamusha paNyamukachi kaviri nechinangwa chekutenga madomasi. Akazondideedza kumba kwavo akandinetsa nenyaya yekudanana nemukadzi wake ndikaramba. Akaendesa nyaya iyi kudare raSadunhu Maparura, asi akatadza kupa umboo hwekudanana kwangu nemukadzi wake.

“Akazosandura nyaya achiti ndinofanira kumubhadhara nekutsika kwandakaita pamba pake. Ndakaripiswa mombe nembudzi mbiri uye ndiri kupikisa mutongo uyu,” anodaro Mugoti.

Pakupa mutongo, dare raMambo Makoni rakachenura Mugoti richiti hapana umboo hwekudanana kwake neaimbova mudzimai waNyamukachi.

Dare rakati kushanyira imba yemumwe munhu hakurevi kubiridzira.

“Dare rasadunhu rakatonga nenzira isiriyo parakabata Mugoti nemhosva yehupombwe nekuti hapana humbowo hunoratidza kuti vaviri ava vakambodanana.

“Hatigone kutongera vanhu mhosva tichingonzwa mashoko, zvisinei nekuti ndiani ari kuzvitaura. Vana vari kunzi vaiona amai vavo vachiita hupombwe havana kuuya mudare rino kuzopa humbowo.

“Saka mutongo wasadunhu unoraswa. Munhu haangabhadhariswe faindi yekushanyira musha wemuvakidzani,” rinodaro dare raMambo Makoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey