Jake White akabuda pachena

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Jake White akabuda pachena

Kwayedza

AIMBOVE murairidzi weSouth Africa, Jake White, akabuda pachena kuti anoda kutsiva Stuart Lancaster asi hunge RFU yakafunga kuunza shanduko mumutambo werugby kuEngland. Ramangwana raLancaster riri kuongororwa zvikuru zvichitevera kuburitswa kwakaita England kuWorld Cup kubva muboka ravo zvakaita kuti chive chikwata chekutanga chinotambira World Cup kutadza kufambira mberi mumutambo uyu.
White, uyo aimbotarisirwa kutungamira England kare, parizvino ari kurairidza Montpellier yekuFrance asi anonzi ari kuda chaizvo kupinda panyanga kuEngland.

“England ine zvose zvainoda kuti ibudirire, vatambi vanogona uye nhorowondo yavo inonwisa mvura,” akadaro White.
“Kana vachirevesa kuti vanondida uye vakauya kuzotaura neni, zviri pachena kuti ndinobvuma kutora basa racho. Ibasa guru mumitambo yakasiyana uye unenge uchitopenga kana ukariramba basa racho.”

White (52) anofunga kuti yave nguva yekuti England itsvage kunze kana ichida murairidzi anogona basa mushure mekunge ambotarisirwa pasi katatu kese kupinda mubasa reRFU.

“Apo ndairairidza maBoks, vakauya kwandiri vachibvunza kuti Rob Andrew (director of elite rugby) munhu akaita sei ,” akadaro.
“Vakazondifonera zvakare vasati vagadza Martin Johnson uye naStuart Lancaster.

“Katatu kese aka, vakasarudza murairidzi wechiEnglish. Zvinoreva hazvo kuti zvaishandiswa senzira yekuona kuti vamwe vaida mabasa aya vanoonekwa havo kunge vanoziva zvavanoita.

“MaWorld Cup matatu adarika avarakidza zvakawanda, kana ukagadza murairidzi asati amboshanda nechikwata chenyika hapana zvaunenge waita, hapana kwamunosvika.

“Vambozama naAndy Robinson, Martin Johnson uye naStuart Lancaster. Vane chikwata chine mari yakawanda pasi rose asi varairidzi vavo havana ruzivo rwakawanda mumutambo uyu,” akadaro White. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey