James DeGale oti akagadzirira

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
James DeGale oti akagadzirira

Kwayedza

MUTAMBI wetsiva James DeGale anoti akagadzirira kurwa nechero mutambi anorwira muboka resuper-middleweight zvichitevera kuhwina kwaakaita bhande reIBF kuBoston svondo radarika.

Shasha iyi yakahwina mutambo wayo nezvibodzwa apo akakunda chizvarwa chekuAmerica, Andre Direll, kunhandare yeAgganis Arena, ndokuve chizvarwa chekutanga kubva kuBritain chakahwina menduru yegoridhe kumaOlympics pamwe nebhande retsiva.

“Handina kana remuromo. Chinhu chandaishuvira zvikuru kuhwinawo bhande repasi rose uye ndazokwanisa kuzviita.

“Zvaunonzwa zvikuru, ndave shasha yepasi rose, ndanyora nhorowondo kuve chizvarwa chekuBritain chekutanga chine menduru yegoridhe yemaOlympics kuhwina rimwe bhande repasi rose,” DeGale akadaro.

“Ndadzoka manje uye handina kukuvara. Ndicharwa nechero mutambi wesuper-middleweight pasi rose. “Ndinonetsa kukunda uye parizvino ndiri kutamba zvinonwisa mvura.”

DeGale akatanga zvinofadza mutambo uyu akarova Direlli zvakasimba ndokumuwisira pasi kaviri kose, asi akambokundikana kuramba akasimba sematangiro aakaita zvekuti Direlli akange ave kudzoka mumutambo uyu. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey