Joshua haana ‘dhiri’: Fury

22 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Joshua haana ‘dhiri’: Fury Tyson Fury

Kwayedza

Tyson Fury anonzi haana shungu dzekurwa naAnthony Joshua zvisinei nekuti vatsigiri vetsiva vari kushuvira kuda kuona vatambi vaviri ava vanove zvizvarwa zvekuBritain vachitatsurana.

Fury akatsanangura Joshua achimuti ‘’big bum-dosser’’ uyo akakundwa nemunhu ‘’mukobvu’’ uye ndokuti mutambo wavo ‘’wakafa’’ mumvura (hausi kuzobudirira) zvichitevera kukundwa kwakaitwa AJ kechipiri naOleksandr Usyk.

The Gypsy King – uyo acharwa naFrancis Ngannou mumutambo wakatarisirwa zvikuru kuSaudi Arabia mwedzi unotevera – anoti ari kunyanya kufunga zvekurwa nevamwe vatambi vakaita saJon Jones.

Fury akaudza Mail Sport kuti ari kukoshesa mitambo inomupa mazimari akawanda, ndokuti pane mukana wekuiwana kana akarwa nechizvarwa chekuAmerica, Jones, pane kurwa kwaAJ.

Asi, Eddie Hearn akaramba mashoko aya ndokuti mari ‘’yakawanda’’ iripo yekuronga mutambo waAJ naGypsy King.

Fury anoti: “Handina basa nezvaanotaura. Mumaonero angu haana basa. Angori munhu asina basa akakundwa katatu.

‘’Akarohwa kaviri achiita chadzimira ndokukundwa mitambo mitatu. Haachakwanisi kupinda muboka randiri.

“Hausisiri mutambo wandave kumbofunga nezvawo. Handina kana shungu nazvo wena,” anodaro. – SportsMail Boxing

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey