Kana ndimiwo . . . Mukadzi kutounza chikomba mumba murume aripo?

09 Dec, 2023 - 14:12 0 Views
Kana ndimiwo . . . Mukadzi kutounza chikomba mumba murume aripo? Rudo Muradzikwa

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

MUNYAYA inokahadzisa iri maringe nekusavimbika muwanano uye kuva nehunyengedzi, mumwe mudzimai akaunza chikomba chake muimba yewananano achibva achizivisa kumurume wake achiti ihanzvadzi yake.

Zvinonzi Rudo Muradzikwa aidanana naChiteni Ndongonda kwemwedzi yakati wandei achibva akwanisa kunyepera murume wake, Noel Masaburi, uyo ainge asina kana fungidziro, achiti yaive hanzvadzi yake isina pekugara.

Izvi zvakabuda mudare raSadunhu Chigodora.

Dare rakaziviswa kuti vaviri ava vaizonzvenga vachipindirana mudzimba munguva dzemasikati nehusiku vachidya nyika rutivi – samusha kana kuti baba vemba varipo.

Vaitamba zvekare chiramu kunyangwe pamberi paiye Masaburi.

Chiteni Ndongonda

Achitsanangura mudare raSadunhu Chigodora, Masaburi anoti anofungidzira kuti akashandisirwa mushonga nevaviri ava sezvo aisava nefungidziro yekuti vanodanana.

“Vanhu ava vakandishandisira mishonga, ndinovimba mishonga yavo ndiyo yaindivhara kuti ndisaona zvose zvavaiita pamberi pangu. Pane dzimwe nguva, ndaive muHarare apo mudzimai wangu akandiudza kuti akanga ari kurwara saka akanditi ndimuunzire mushonga. Pandakadzoka kumba nemushonga, ndakaudzwa kuti aigara kumba kwaNdongonda kwemazuva matatu ose.

“Ini ndakaendako nemushonga uya ndikamupa uye ainge akatorara mubhedhuru make achibva atobaiwa jekiseni naNdongonda pamagadziko ini ndakatarisa. Ndingadai ndakashamiswa nazvo ndikanetsana naye ndiko kusaka ndichiti anofanira kunge aindishandisira mishonga,” anodaro Musaburi.

Zvisinei, Ndongonda akaramba kuti aive murudo naMuradzikwa achiti aingowirirana naye pamwe chete nemurume wake.

“Taive nehusahwira uye Masaburi ainditendera kuti ndifambe nemudzimai wake tichienda kuMozambique kunoita bhizimusi. Ndipo patakatanga kuzivana saka muridzi wemba yandaigara paakandidzinga, Masaburi ndiye akatotuma mudzimai wake kuti azonditora kuti tigare pamba pamwe chete ndichitsvaga pamwe pekugara.

“Ndakaenda ndikanogara navo nekuti ndaifunga kuti tiri shamwari neshamwari, handina kana kumbodanana naye. Ichokwadi kuti taibika pamwe nekuwacha tose asi zvaiperera ipapo,” anodaro.

Ndagonda akarambisisa zvekare nhau yaari kupomerwa yekuti akabaya Muradzikwa jekiseni kumadziko Masaburi akayeva, achiti murume uyu ane godo naye.

Noel Masaburi

Muradzikwa anoti haana kumbobvira akadanana naNdongonda asi kuti masahwira makuru zvakaita kuti asvike pakunomuzivisa kune murume wake.

“Ndongonda neni taive masahwira makuru sezvo ari muporofita, ndakamuzivisa kumurume wangu uye handina kumbobvira ndakadanana naye. Ndinongomuziva bedzi seshamwari yedu, ndinoziva kuti hushamwari hwedu hauna kufadza vazhinji asi handina rudo naye,” anodaro.

Akaramba zvekare kuti akazonogara naNdongonda paimba yake itsva yekuroja.

Sadunhu Chigodora akapa mutongo wekuti Ndongonda aripe mombe nhatu kuna Masaburi sezvo akakonzera kurambana kwevaviri ava.

“Tanzwa kuti uri kuramba mhosva yekudanana naMuradzikwa saka tichambotora mashoko ako iwayo seechokwadi. Zvisinei, hazvina kujeka nekuti mushure mekupinda kwako mumusha mevaviri ava, wanano yavo yakabva yangoparara. Nokudaro unofanira kubvisa mombe nhatu semuripo kunaMasaburi,” vanodaro Sadunhu Chigodora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey