‘Kana uchida vana wotoita nechikomba’

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekuendesa aimbova murume wake kudare achida mvumo yekupihwa vana akaoma mate mukanwa apo akanzi akange atiza vana ava kanokwana kanhatatu achienda nezvikomba zvake.

Modester Mhonda akaendesa Petros Marata kuHarare Civil Court achida mvumo yekugara nevana vake vaviri avo vaakasiya mushure mekunge murume uyu atora mudzimai wechipiri.

“Changamire, ndinoda kuti dare rindipewo mvumo yekuti murume uyu andipe vana vangu vandakasiya mushure mekunge andirambidza kuvatakura pandakamuramba andishaisa rugare nekundishungurudza nenyaya yemudzimai wake wechipiri,” akadaro Mhonda.

“Ndaigara ndichirohwa, kutukwa nekungoshungurudzwa nekuti akanga atora mumwe mukadzi. Pandakamuudza kuti handichazvikwanisi, akabva ati enda asi usatore vana vangu, kana uchida vana tsvaga mumwe murume akuitise vana vacho. Saka ndakazongovasiya ndikati ndiite zvekudare kwete kuramba ndichikakavara naye,” akadaro.

Marata akaudza dare kuti haana kumbobvira aramba nevana asi kuti Mhonda ndiye akatotiza vana achienda kuzvikomba zvake.

“Ishe wangu, amai ava ndanga ndichivatsvaga. Vakatiza vana, handizive kuti chii chaitika chasaka vati vava kuvada zvakare. Amai ava vakanditiza nevana kanokwana katanhatu vachienda nezvikomba ini ndichingotevera ndichivanyengerera kuti vadzoke pamwe pacho tikasvitsana kumapurisa.

“Ikaka kekupedzisira vakatiza neroja repemba pedu kusvika ndatozotsvaga mumwe mudzimai kwete kuti ndizvo zvaakandisiira aiwa, asi kuti akaenda nemumwe murume,” akadaro Marata.

“Ndine imba kuEpworth, hombe yekuti vana vanogara vakasungunuka uye ndinoshanda. Hameno kuti iye nehurovha hwake anoda kuzochengeta vana vacho nei.

“Ari kuda kuzondiendesa kumendenenzi kunge ndisiri kugona kuchengeta vana asi ari iye ane hutera. Ipapa ari kungoti akabvira mumwe mukadzi asi ndakazomutora mushure mekunge anditiza.”

Mutongi Barbra Mateko akati vaviri ava vazodzoke kudare kuzonzwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey