Uncategorized

Kana usiri chidhakwa, unozivei nezvekudhakwa?

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
CHIKWATA cheMbira dzeNharira chakaimba kuti, “Vana venyu munovapei? Kuganhira kunge zvikwengwenene?” Ndakapedzisira kuona kuganhira sekwandakaona kare.

Ndakanga ndiri paOR Tambo Airport kuSouth Africa ndakamirira ndege yekuti ndidzoke kumba kuZimbabwe. Ndakapinda mune chimwe chitoro ndichida kutenga-tenga.

Ndiri muchitoro umu, ndakakwaziswa nemukadzi akachena zvikuru anoshanda saAir hostess kuSouth African Airways. Mukadzi uyu akanga akabata bhodhoro rewaini, uye akanga ane mumwe wake aimutevera semuswe.

Mukwazisiro waakandiita wakandishamisa nekuti waive wemunhu andiziva chaizvo. Ndakaramba ndakamutarisa ndichitsvaga mumusoro mangu kuti munhu uyu ndiani?

Dai asina kuzotaura zvaakazotaura pamwe ndingadai ndakawira muriva rake. Mukadzi uye akabva ati, “Ko, nditengerewo bhodhoro rewaini.”

Ndakashamisika kuti munhu uyu kana ari munhu wandinoziva, sei ari kuda kuti ndimutengere waini nekuti ini handina hushamwari kana hukama hwekutengera vanhu doro? Ndakati, “Uri kuda kutengerwa waini iwe wakapfeka yunifomu yekubasa. Unozomira sei mundege usingadonhe?”

Akabva ati, “Ndapedza basa ini saka zvekudhakwa newaini hazvina basa.”

Ndakabva ndataura ndichifamba kubva paari ndichiti, “Handifunge kuti uri kutaura chokwadi kuti wapedza basa iwe.”

Paakaona ndave kufamba ndichienda, akabva ati, “Uri kuda here kana kuti kwete? Kutenga waini hakudi zvese zvawave kutaura izvo.”

Handina kumupindura. Ndakaona ave kufamba achienda, mumwe wake achimutevera sekapopi. Vakanga vave kutsvaga mumwe munhu zvakare wekukumbira.

Unoziva, vakadzi vanhu vandinoremekedza zvikuru nekuti panguva zhinji dzinoita vanhurume humbwa, ivo vanoramba vaine hunhu. Ndinoremekedzawo vanhukadzi vanoshanda mabasa akafanana neiwaya emundege nekuti vanhu vakadzidziswa nebasa ravo kuzvibata nekuve nechimiro chinoyemurika, kunyanya kana wakapfeka yunifomu yebasa. Yunifomu yebasa inoreva kuti uri mumiririri wekambani yako. Uye kana kambani yako ine zita renyika seSouth African Airways, zvinoreva kuti uri mumiririri wenyika yako.

Kana uchida kuziva kuti une dambudziko, ita chidhakwa kana muputi wefodya anotsvaga kuti vamwe vanhu vakutengere doro kana zvaunodhakwa nazvo. Ndakazoudza imwe hama yangu inonyarikana rimwe gore kuti munhu nemunhu ngaatenge zvaanodya, kwete kuti vamwe vanhu vakutengere zvaunodya, asi ivo vasingadye zvinhu izvozvo.

Kunditi ndikutengere whiskey ine zita, mutupo, negore rekuberekwa kundishura. Ini zvandinodya handimboswera ndichinoudza vamwe vanhu kuti vanditengere. Saka iwe wanyanya kukosha ukadii?

Doro harisi sadza. Uye kana wadhakwa uchatanga kutondinetsa uchifunga kuti ndiri munhu wako.

Nemhaka yei tichitsvaga kuvheneka rima redu nerima? Rima redoro nekudhakwa harisi chiyedza. Ndakamboudza mumwe mukoma wangu parufu kuti “mukoma madhakwa uye doro ramanwa rakwana,” – asi akabva atanga kundipopotera achiti ndakanga ndave kufarisa ndichimuudza kuti adhakwa.

Zvakanzi namukoma, “Unondiudza zvekudhakwa iwe usiri chidhakwa, unozivei nezvekudhakwa iwe?” Doro harina munhu warakamboti radhaka akaita munhu kwaye, nekuti kazhinji ndiro rinobva raenda kunogara panogara pfungwa, pfungwa dzoenda mukanwa.

Chatisingazive ndechekuti kumwe kwatinoti kudhakwa kunotori kurwara. Kutsvaga doro kutsvaga rima, asi hatifare kuti uri kutsvaga doro nekuti vazhinji vakadonhedzwa naro. Kana uri murima redoro, tsvaga kudzokera pahunhu husingadzedzereke. Taura kuti, “Kunyange ndakawira pasi ndichasimuka. Kunyange ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.”

Asi Jehovha anokwanisa chete kuve chiedza chako kana ukatanga iwe pachezvako kubvuma kuti une dambudziko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey