Kanzura akaripiswa mombe 3 adanana nemukadzi wemuridzi

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUMWE kanzura wekwaMunyawiri, kuDomboshava, wekubatwa nemhosva yekudanana nemukadzi wemuridzi akatongerwa kuti aripe murume wemudzimai uyu mombe nhatu.

Sadunhu Munyawiri, VaEdmond Munyawiri (69), vanoti Partson Chogugudza, anove kanzura wewadhi 5, akapinda mudare ravo nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi.

“Nyaya iyi yakapinda mudare rangu, Chogugudza achinzi akatora mudzimai wamudzidzisi anonzi John Mandimika wepachikoro chePote Primary. Mudzimai ari pakati penyaya iyi ndiPamella Mandimika, anova mudzimai waJohn,” vanodaro.

Vanoti pakagarwa dare iri Chogugudza akawanikwa aine mhosva yekudanana nemudzimai wemunhu akanzi aripe mombe nhatu. “Nyaya iyi yapinda mudare rangu, yakamboedza kuvigwa apo kwakaita mumwe mudzimai anonzi Cleopatra Madzinga akanga ada kuzviita saiye aidanana nakanzura.

‘‘Dare rakazviona rikazvifumura, muridzi wenyaya akabatwa nemhosva yake,” vanodaro Sadunhu Munyawiri.

Vanoti vakazviona sedare kuti Madzinga aida kushandiswa kuuraya nyaya iyi mudare zvinova zvakaramba.

“Mushure mekuongorora nyaya iyi, takazowana kanzura uyu aine mhosva ndokuti aripe mombe shanu iye ndokuzochema-chema kuti anokwanisa kuripa mombe nhatu, izvo takabvuma, mumagwaro edu edare zvirimo.

“Kanzura Chogugudza akabvuma mhosva yake mudare, akapfugama pamberi pemuridzi wemudzimai waaidanana naye, akauchira achikumbira ruregerero achiti, ‘Ndini ndaidanana nemukadzi wako, ndakapinda mumba mako’,” vanodaro sadunhu ava.

Sadunhu Munyawiri vanoti mativi ose hapana akapokana nemafambiro akaita nyaya iyi mudare ravo.

“Takangomirira sedare kuti mombe idzi dziendeswe kumba kwaJohn Mandimika. Mudzimai wacho ari kumurume wake, isu hatirambanise vanhu, zvikuru akange abvuma kuripwa kudai.”

Sadunhu Munyawiri vakayambira varume kuti vasiyane nekutora madzimai evamwe pamwe nemadzimai anodananawo nevarume vevaridzi.

Kwayedza haina kukwanisa kuonana nevanhu vose vari munyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey