Uncategorized

‘Kanzuru iri kurara pabasa’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VAGARI vekuChitungwiza vanoti kanzuru yavo iri kurara pabasa sezvo isiri kugadzirisa dambudziko rekuipa kwemigwagwa iyo isisafambike zvakanaka nemotokari kana netsoka nekuda kwemakomba-komba ayo anove njodzi sezvo achigona kukonzeresa tsaona.

Kwayedza yakatenderera mumisha yedhorobha rine mukurumbira iri ikazvionera kuti migwagwa yeko yashata zvekushata zviya.

“Migwagwa yemuno yakaipa zvikuru, hatifungi kuti kune chikamu chinoona nezvemigwagwa muno. Makanzura nameya vemuno vari kurara basa. Kana kanzuru yakapihwa $91 000 neZinara yekugadzurudza migwagwa ngaitiratidze pakashanda mari iyi, kana $1 000 zvayo tione. Kanzuru yedu iri kutijuta (kuita chitsotsi), izvozvi vakangouya nevhu vakaunganidza mumicheto memugwagwa mumwe chete wepaC Junction, kumwe kwese hakuna.

“Ivhu iri vakariunza mushure mekunge vatyairi vanyunyuta kuti tiri kusungwa nekanzuru tichinzi tibude mumugwagwa apo tinomira tichitakura vanhu nyambisirwa mumipendero memigwagwa macho munenge musingabudike, motokari dzinochekwa matayi nekuti hamuna kugadzirwa zvakanaka.

“Ivhu iri ratova nenguva rakaungana zvekuti rikanonoka kushandiswa richayeredzwa nemvura,” vanodaro VaSamson Panodyauswa (38) vekuUnit K.

VaJohn Chigaramasimbe (51) vekuUnit C vanotiwo mari yakapihwa kuChitungwiza neZinara kuti igadzira migwagwa inogona kudaro iri shoma.

“Kana takapihwa $91 000 yekugadzira migwagwa ishoma nekuti migwagwa inodhura uye inotoda mamiriyoni emadhora nekuti Chitungwiza musha mukuru, une migwagwa yakawanda. Ndinoti Zinara ngaiwedzera mari.

“Tine motokari dzakawanda dzinoshandisa migwagwa zuva nezuva nekudaro makomba anoramba ariko uye zvekunama migwagwa hatione sezvinobatsira nekuti dzimwe motokari dzinorema semarori nemagonyeti dzinongotsemura. Migwagwa ngaitangise kugadzirwa patsva,” vanodaro VaChigaramasimbe.

VaPhenias Denhere (50), avo vanove mutyairi vari mugari wekuUnit A, vanoti yatove “hondo” chaiyo kutyaira mumigwagwa iyi.

“Pese pandinotyaira, ndinotanga ndaisa mepu yekuziva kuti pakati pane gomba nekuti kana ukasadaro unogara wakangotenga matayi nguva nenguva. Pane dzimwe nguva vamwe vakomana vanouyawo vachivhara makomba aya nejecha vachipemha mari asi handiyo nzira yekupedza dambudziko, migwagwa inofanira kugadzirwa netara kuti isimbe,” vanodaro.

Onwell Mazuru (25) anotiwo migwagwa yanyanya kuipa nekudaro inofanirwa kugadzirwa nekuchimbidza.

Munyori mukuru wekanzuru yeChitungwiza, VaGeorge Makunde, vanoti makomba emumigwagwa idambudziko guru mudhorobha ravo uye vari kuedza nepose pavanogona kuti vagadzurudze migwagwa iyi.

“Pari zvino takapihwa $91 000 neZinara kuti tigadzirise migwagwa saka takatotangisa basa kubvira kwaChikwanha zvekuti mukafamba muchazvionera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey