Kasikana kechess kakatunzvaidzwa

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Kasikana kechess kakatunzvaidzwa Faith Sachinda aine mudzidzisi wake, VaBanarbas Mayeka. — Mufananidzo: Daphine Machiri

Kwayedza

Faith Sachinda aine mudzidzisi wake, VaBanarbas Mayeka. — Mufananidzo: Daphine Machiri

Faith Sachinda aine mudzidzisi wake, VaBanarbas Mayeka. — Mufananidzo: Daphine Machiri

KASIKANA kanove shasha yemutambo wechess kepachikoro cheMakwara Primary kwaMutasa ako kakakunda vamwe vose kupurovhinzi yeManicaland nguva yadarika kakatunzvaidzwa nekupihwa mubairo.

Faith Sachidza uyo ari kuita Grade 7 pachikoro ichi akapiwa mubairo unosanganisira mari svondo rapera pamberi pakaparurwa makwikwi eManicaland Provincial Merit Awards.

Muhurukuro neKwayedza, Faith anoti anonzwa manyukunyuku nekukunda kwaakaita vamwe vose mumutambo uyu.

“Mutambo wechess wakapusa kubata zvakare unorodza pfungwa zvinova zvinovandudza mafungiro angu munyaya dzechikoro nekutamba ndichikwikwidza nevamwe,” anodaro Faith.

Mudzidzisi wake, VaBanarbas Mayeka, vanoti vanofara zvikuru nekubudirira kuri kuita Faith pamwe nechikoro chavo mumutambo uyu.

“Tine shuviro yekuti chikoro chedu chionekwewo. Tine vana vakawanda chaizvo vanotamba chess asi dambudziko redu tiri kure, chikoro chedu chiri pedyo nebhodha renyika ino neMozambique,” vanodaro.

Vanoti pachikoro pavo pane vadzidzi vane zvipo zvekutamba mitambo yakaita sechess asi vanoshaya rubatsiro rwekuti vaenderere mberi nechikoro.

“Ndakatarisa tarenda raFaith, uyu mwana anogona kubva mukuverenga nekunyora zvakare nechess. Ndiye shasha muManicaland yose asi vabereki vake havana mari yekuti akwanise kuenderera mberi nechikoro. Dai zvaibvira pawana anosimudzawo ruwoko kuti tarenda remwana uyu rirambe richienderera mberi sezvo achikwanisa kuzomirira nyika mumutambo uyu mune remangwana,” vanodaro VaMayeka.

Faith akatamba nevamwe vezvikoro zvisere akavakunda padanho redistrict. Akazokwikwidza akamirira Mutasa North akakunda zvakare purovhinzi yose yeManicaland.

“Ini semudzidzisi wake ndiripo pakumufundisa kuti akwanise kufunga nekukasika ndizvo zvinoda mutambo uyu,” vanodaro VaMayeka.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey