Uncategorized

‘KATSI INONAKA KUDARIKA HUKU’‘. . . kuzoti tsoko kana gudo’

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘KATSI INONAKA KUDARIKA HUKU’‘. . . kuzoti tsoko kana gudo’ Frank Tapfuma achivhiya katsi (Kuruboshwe), Frank achigocha nyama yekatsi (kurudyi).

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MURUME wekuSakubva, kwaMutare, ari kushamisa vagari veko nekudya kwaanoita nyama yekatsi dzinongombeya musango idzo dzinozivikanwa nekuti mabonga.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira Frank Tapfuma kunzvimbo yeOTS Section, kuSakubva, ichida kunzwa zvizere pamusoro pedomba rake rekudya nyama yekatsi.

Tapfuma anotsinhira kuti anodya nyama yemhuka dzinosanganisira katsi, makudo, tsoko netsindi.

Vamwe vanoti katsi dzinodyidzana nenyaya dzine chekuita nehuroyi.

“Chandinongoda bedzi ndechekuti ndiratidze vanhu kuti nyama inouraya neisingauraye ndeipi. Ndakatanga kudya nyama yekatsi ndichiri kakomana hezvo nhasi ndiri pano. Ndiri mutano, handisati ndamborwara nekudya kwandinoita katsi,” anodaro apo aitovhiya imwe katsi.

Muchinda uyu ane mavhidhiyo akasiyana ayo aakazvitora achiratidza kuti katsi inouraiwa sei, kuivhiya pamwe nekuzogocha nyama yacho.

Anoti chaanorasa chete pakatsi matumbu nedundiro, izvo anoti hazvidyike.

“Pakuidya inoita senyama yehuku. Ndinoda nyama yekatsi zvikuru, kunyanya kana ichinge yaita zvekugochwa,” anodaro Tapfuma.

Anoti haauraye katsi dzevanhu, asi idzo dzinenge dzapanduka dzichingofamba-famba dzaanoti dzinokanganisa magariro evanhu munharaunda.

“Handiuraye katsi dzevanhu, ndinovhima idzo dzisingagare mudzimba uye dzinogara mumigwagwa – mabonga.

“Kana katsi isina muridzi, unogona kundishevedza ndoona zvekuita nayo,” anodaro Tapfuma achiseka apo aipindura nyama yekatsi yaaigocha.

Tapfuma anoti haashandise zvombo pakuvhima katsi.

“Katsi dziri nyore zvikuru kudzivhima, tsindi dzinotonetsa nekuti unofanirwa kushandisa matombo. Pakatsi ndinongobata ndobva ndatouraya nemaoko angu. Handimbodi kana chombo chekuuraya katsi. Maoko angu anoita basa rose,” anodaro achiratidza kuzvitutumadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey