Kepekepe ndiko kuti bhora: Msiska

13 Mar, 2015 - 15:03 0 Views
Kepekepe ndiko kuti bhora: Msiska

Kwayedza

Abel Ndooka
RAIVE gore ra1973 apo Central African Pharmaceutical Society United Football Club, iyo inonyanya kuzivikanwa seCAPS United, yakavambwa ndokuzoita mbiri makore akatevera ichishungurudza zvimwe zvikwata muPremier Soccer League.

Panguva yavo, Kepekepe sezita remadunhurirwa reCAPS United, yakapisa zvikuru izvo zvakatuma muimbi Zex Manatsa nechikwata cheGreen Arrows kuimba kambo kekuirumbidza kekuti “Makepe-kepe Shaisa Mufaro”.

Kubva gore ra1973 kusvika pari zvino, CAPS United yatambirwa nevatambi vakawanda vane mukurumbira apo yakambonzi ndivo madzimbambo memikombe yenhabvu, “Cup Kings”.

Vatambi ava vanosanganisira Shacky “Mr Goals” Tauro, Stanford “Stix” Mutizwa, Stanley Ndunduma naBrenna Msiska.

Kwayedza yakaita hurukuro naMsiska “Baba Gari”, uyo anove murairidzi wevabati vepagedhi (goalkeepers coach) kuCAPS, pamusoro pevatambi vaanofungira kuti ndivo vakaita zvinorova kuchikwata ichi.

Muhurukuro iyi, Msiska aibatsirana naMark Mathe, uyo anove mumwe wevatevedzeri wemurairidzi weCAPS, Mark Harrison.

Msiska ave nemakore 30 ari kuCAPS, zvichitangira ari mutambi kusvika pari zvino.

Anoti Kepekepe ine nhoroondo yakasimba munhabvu muZimbabwe iyo yakanyorwa nevatambi vakaita saiye.

Msiska anoti hazvisi nyore kudoma vatambi 11 avo vaanofungira kuti ndivo vaive shasha.

“Chamunofanirwa kuziva kuti CAPS United chikwata chihombe chakabva kure uye kana uchida kutaura nhabvu yemuno haufanirwe kusiya Kepekepe.

“Kuti nditi ava ndivo vatambi 11 vakanetsa kuCAPS zvinogona kundiremera nekuti ndinotosiya vamwe vakawandisa.

“Ndave nemakore 30 ndiri kuchikwata ichi, ndaona vatambi vakawanda vachiuya nekuenda.”

Msiska anorumbidza vatambi vakanetsa vanosanganisira Tauro, Alois Bunjira, Mtizwa naNdunduma.

Anoti vatambi variko mazuva ano vari kutadza kutevera matsimba evakatanga kuti vagokwanise kudzorera Kepekepe kumazuva ayo apo yaizivikanwa se“Shaisa Mufaro”.

Ava ndivo vatambi 11 vanonzi vakanetsa kuCAPS United, semaonero aMsiska naMathe uye netsanangudzo dzevaviri ava:

Stanford “Stix” Mtizwa: Aitamba nhabvu yainwisa mvura pakati. Ndiye mutambi wedu akaita munyama kusahwina Soccer Star of the Year.

Stanley “Sinyo” Ndunduma: Aitamba bhora raiyevedza zvikuru.

Shacky “Mr Goals” Tauro: Zita rake remadunhurirwa raitaura zvakawanda, aigona kunwisa ka56 mumwaka mumwe chete.

Cephas Chimedza: Aigona kutamba pose-pose muchikwata izvo zvaiyemurika.

Alois “Zola” Bunjira: Kakanga kakaipa, kaisuka uye kaimhanya kachinwisa zvekare.

Stewart “Shutto” Murisa: Ainwisa uye aive muchikwata chemurairidzi Steven Kwashi icho chakanetsa.

Lloyd Chitembwe: Pakati aibata uye aibatsira kuvhara shure.

Joe “Kode” Mugabe: Kaipisa uye kainetsa kumaka, kachinwisa pamadiro.

Silver “Bonzo” Chigwenje: Muchinda aivhara bhora iyeyu.

Tobias Sibanda: Kufanana na “Bonzo”, Sibanda aivhara zvemberi.

Brenna “Baba Gari” Msiska: Ainwisa mapena uye iri shasha pakubata mapena. Aibata sekatsi, sekutaura kwaMathe.

Kunyangwe hazvo Msiska naMathe vachiti ava ndivo vatambi 11 vavanofungira kuti vaive shasha, kune vamwe vakaita semushakabvu Blessing “Yogo-Yogo” Makunike, Basil Chisopo, Twaliki Salad naCharlie Jones avo vakanetsawo.

Vamwe ndevanoti Oscar Motsi, Cheche Billiard, Duncan Erickson, Carlos Max, Gift Mudangwe naAlbert Mabika.
Msiska naMathe vanoti murairidzi akanyatsobata basa kuCAPS United ndiSteven Kwashi, uyo akahwina mukombe weligi mugore ra1996 pamwe nemimwe yakawanda.

Zvisinei, vanoti Freddy Mkwesha naCharles Mhlauri vakarwawo vamire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey