
Kwayedza

Abel Ndooka
AIMBOVE mutambi wemaWarriors neKaizer Chiefs yekuSouth Africa – Khama Billiat – ari kunzi akatengwa nechikwata cheZamalek chekuEgypt.
Billiat ange ane mwaka mishanu achitambira nhabvu yake kuAmakhosi (Chiefs) asi zvichitevera kupera kwekondirakiti yake gore radarika, mutambi uyu akabva anyangarika apo Amakhosi yaida kuita hurukuro naye kuti imupe kondirakiti itsva kuti agoramba ari kuchikwata ichi.
Amakhosi yakaedza nepayaigona kumushevedza kuti auye kuzoita hurukuro, asi Billiat airakidza kushaya hanya nazvo izvo zvakazotuma chikwata ichi kutanga mwaka wacho mutsva chisisina mutambi uyu muhurongwa hwavo.
Mumashoko ange achitenderera padandemutande mumazuva adarika, Billiat anonzi akatengwa neZamalek iyo inove chimwe chezvikwata zvikuru zvenhabvu zvekuEgypt uye nemuAfrica yese.
Mwaka mutsva wenhabvu yekuEgypt unotanga mwedzi unotevera zvinoreva kuti zvikwata zveko zviri pakati pekutenga nekunyoresa vatambi vatsva.
Billiat anga ave nemakore anosvika 13 achitambira nhabvu yake kuSouth Africa kubva paakaenda kunyika iyi mugore ra2010 paakatengwa neAjax Cape Town achibva kuCAPS United.
Mutambi uyu akakwanisa kutambira maWarriors ka43 ndokunwisa ka17.