Khama onanga kuEgypt

22 Aug, 2023 - 13:08 0 Views
Khama onanga kuEgypt Khama Billiat

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wemaWarriors neKaizer Chiefs yekuSouth Africa – Khama Billiat – ari kunzi akatengwa nechikwata cheZamalek chekuEgypt.

Billiat ange ane mwaka mishanu achitambira nhabvu yake kuAmakhosi (Chiefs) asi zvichitevera kupera kwekondirakiti yake gore radarika, mutambi uyu akabva anyangarika apo Amakhosi yaida kuita hurukuro naye kuti imupe kondirakiti itsva kuti agoramba ari kuchikwata ichi.

Amakhosi yakaedza nepayaigona kumushevedza kuti auye kuzoita hurukuro, asi Billiat airakidza kushaya hanya nazvo izvo zvakazotuma chikwata ichi kutanga mwaka wacho mutsva chisisina mutambi uyu muhurongwa hwavo.

Mumashoko ange achitenderera padandemutande mumazuva adarika, Billiat anonzi akatengwa neZamalek iyo inove chimwe chezvikwata zvikuru zvenhabvu zvekuEgypt uye nemuAfrica yese.

Mwaka mutsva wenhabvu yekuEgypt unotanga mwedzi unotevera zvinoreva kuti zvikwata zveko zviri pakati pekutenga nekunyoresa vatambi vatsva.

Billiat anga ave nemakore anosvika 13 achitambira nhabvu yake kuSouth Africa kubva paakaenda kunyika iyi mugore ra2010 paakatengwa neAjax Cape Town achibva kuCAPS United.

Mutambi uyu akakwanisa kutambira maWarriors ka43 ndokunwisa ka17.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey