Korfball yosimudzirwa muzvikoro

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Korfball Federation rinoti riri kutora matanho akasimba akananga kusimudzira mutambo uyu kubirikidza nekutsvaga vakotseveri pamwe nekuti upararire muzvikoro.

Svondo rapera, sangano iri rakaita musangano muHarare ndokugadza Lindsay Binamu aimboshanda kuHwange Colliery kuve marketing and promotions coordinator uyo achange achishambadza mutambo uyu.

Gore radarika, chikwata cheZimbabwe chakanokwikwidza kuZambia uko chakahwina menduru yesirivha uye rwendo rwacho rwaipisa tsitsi sezvo chakasangana nematambudziko akasiyana ayo akachitadzisa kuwana nguva yakakwana yekugadzirira.

Binamu basa rake rekutanga kutsvaga vakotsveri vemutambo uyu pamwe nekuronga zvirongwa zvakasiyana zvekutsvaga mari yekubatsira chikwata cheUnder-23 icho chiri kufanirwa kunokwikwidza kumutambo weAfrican Championship kuSouth Africa muna Chikunguru.

Mutevedzeri wemutungamiri weZFK, Julius ‘Judza’ Chakupewa anoti basa ravakapa Binamu rakakosha zvikuru sezvo achabatsira zvakanyanya kusimudzira mutambo uyu.

Zvikoro zvizhinji, akadaro Chakupewa, hazvisati zvave kunyatsokunzwisisa zvakanyanya pamusoro pemutambo uyu saka Binamu achange achifamba achikurudzira kuitwa kwemutambo uyu muzvikoro zvakasiyana munyika.

“Binamu takamupa basa rakakosha chaizvo nekuti ndiye acharwa zvakasimba kuti asimudzire Korfabll.“Kugadza kwatakamuita pachigaro ichi tinovimba kuti zvichatibatsira kuwana vakotsveri vachadira mari.

“Hatidi kuti mutambo wedu ugotatarika uye zvikwata zvedu zvikundikane kuzadzikisa mitambo yazvo nekuda kwekushaiwa mari, kwete taramba,” akadaro Chakupewa.

Zvakadaro, Chakupewa anoti chikwata cheUnder-23, icho chiri kutarisirwa kuenda kunokwikwidza kuSouth Africa, chichapinda mukembi muna Kubvumbi apo chichatanga kuita gadziriro dzacho.

Mumutambo uyu, Zimbabwe ichange ichitamba nezvimwe zvikwata zvinosanganisira South Africa, Botswana neNamibia.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey