‘Koshesai kodzero dzevakaremara’

14 Oct, 2023 - 10:10 0 Views
‘Koshesai kodzero dzevakaremara’ Mai Agnes Chindimba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vokurudzirwa kukoshesa kodzero dzevanhu vakaremara uye kubvisa rusarura munharaunda nechinangwa chekusimudzira raramo yavo.

Izvi zvakabuda pagungano rakaitwa nesangano reDeaf Women Included muHarare munguva pfupi yadarika.

Vachitaura, Mai Agness Chindimba vanova executive director wesangano iri vanoti munyika muchine rusarura kuvanhu vakaremara apo vamwe vabereki vanokiira vana mudzimba nekuda kwekunyara kuzonzi vakabara vana vakaremara.

“Tinoda kuti tibatane pamwe nevatori venhau kuti tikunde kubvisa nyaya dzerusarura urwu. Kana munhu akaremara akawaniswa dzidzo nezvinomukwanira, anobudirira muupenyu. Tine vakaremara vakadai saAbraham Mateta haaoni asi igweta guru rinotomira mumatare uye vanhu vanoona vachibatsirwa panyaya dzavo.

“Sinikiwe Kademaunga munhu mupfupi zvakanyanya uye haana zvanza kana magokora asi anonyora ari mukurudziri weveruzhinji munyika nepasi rose (motivational speaker), tina zvekare Chipo Muchegwa naTichaona Terrance Green uye nemuimbi Greaterman. Vese ava vanhu vakaremara asi vane zvipo zvavo zvakaumbiridzwa nenharaunda kuti vasangomirira kupemha,” vanodaro.

Mai Nasper Manyau avo vaimbova Senator aimiririra vakaremara mudare reParamende munguva yadarika uye vari founder nadirector wesangano reArret Foundation Trust, vanoti zvinongoda mushandirapamwe kuti kodzero dzevakaremara dzitariswe.

Mai Nasper Manyau

“Hondo yekusarudzwa kwevakaremara muzvinhu zvese zvine chekuita nebudiriro tinoikunda sekukunda kwatakaita denda reHIV. Zvese zvinotangira kuvatori venhau kubva kumashoko avanoendesa kuvanhu kuti akamira sei maringe nevanhu vakaremara. Vanhu vazhinji vanovimba nenhau dzavanonzwa mumapepanhau, pamaredhiyo nepamaterevhizheni saka dzidziso yakanaka ikatekeshera tinoona shanduko huru,” vanodaro.

Precious Chakuma anova project manager kusangano reDeaf Women Included anoti vakaremara vanofanirwa kuwaniswa mikana yakaenzana nevasina.

Mai Precious Chakuma

Mai Sitambeni Manduna mukuru weZimbabwe National Association of the Deaf, vanotiwo Hurumende inofanira kuona kuti yadzika mutemo wekuti mutauro wemasaini ufundiswe muzvikoro sezvo uri mumwe wemitauro iri mubumbiro remutemo wenyika.

Nyasha Sangayi anova programmes advisor kuDeaf Women Included anoti kune mamwe mashoko anotaurwa neveruzhinji anodzikisira vanhu vakaremara sekuti murungudunhu vachireva munhu ane husope, chimumumu (munhu asinganzwi) nachirema kureva munhu akaremara, pakati pamamwe.

“Tine hurongwa hwekunyora gwaro rine mazwi kwawo anofanira kushandiswa kana tichitaura maringe nenhau dzevanhu vakaremara asingavadzikisire,” anodaro.

Hurumende, yakabatana nesangano reUnited Nations CRPD, mugore ra2013 ikanyorerana gwaro rinotarisa nezvekodzero dzevakaremara munyika muno uye ikaparura zvekare chirongwa cheNational Disability Policy Act mugore ra1992 icho chinofambirana nemutemo weUnited Nationas Convention on the Rights of Persons with Disabilities.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey