Uncategorized

Koshesai tsika – President

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
Koshesai tsika – President President Mnangagwa vachiridza mbira mushure mekuparura chirongwa cheCulture Week kuGlamis Arena, muHarare svondo rapera apo Cde Kazembe Kazembe — avo vakafanobata chigaro chegurukota revechidiki, mitambo nezvekutandara — vainge vakatarisa. — Mufananidzo naTawanda Mudimu

Kwayedza

Lincoln Towindo
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti runyararo rwakakosha zvikuru mukugarisana kwevanhu maringe netsika dzechivanhu sezvo rwuchigona kushandiswa kuti munyika muve nekubatana zvichizounza budiriro.

Vakataura mashoko ayo nemusi weChishanu chadarika apo vaiparura chirongwa chekusimudzira tsika nemagariro cheCulture Week muguta reHarare.

Vanoti hurukuro dziripo pari zvino pakati pemapato ezvematongerwo enyika ayo akakwikwidza musarudzo dzenyika dzegore rapera – idzo dziri kuitwa pasi pePolitical Actors Dialogue (Polad) – imwe nzira iri kushandiswa kusimudzira mweya wekubatana munyika. Polad yakakumikidzwa zviri pamutemo nemusi weChishanu svondo rapera.

“Chimwe chinangwa chedu seHurumende kukurudzira kuti pave netsika yerunyararo, kubatana nekugarisana zvakanaka.

“Rukudzo rwatinarwo kune mumwe nemumwe sevanhu vanobva kune tsika dzakasiyana-siyana ndizvo zvinoita kuti tishingirire, kuve nehushamwari uye nekukwanisa kugamuchira vaenzi,” vanodaro President Mnangagwa.

“Chikamu chehunhu hwedu sevanhu vatema chiri matiri kuburikidza nemweya wehunhu/ubuntu. Ndinokurudzira mumwe nemumwe wedu kuti akoshese nekuchengetedza runyararo rwatinarwo nhasi uno sezvo ndirwo hwaro hwetsika nechimiro chedu senyika.”

President Mnangagwa vanoti tsika dzechivanhu hadzikurudzire nyaya dzemhirizhonga.

“Tsika yenhaurirano iyo yakagara iripo kubvira kare inofanirwa kuchengetedzwa uye kuramba ichicherechedzwa. Kubva pahwaro uhu, zvakaona nezuro (Chishanu chadarika) tichikumikidza zviri pamutemo Political Actors Dialogue,” vanodaro.

Vanoti nharaunda dzakasiyana dzakasununguka kupemberera svondo reCulture Week.

Hurumende, vanodaro President Mnangagwa, yakazvipira kutsigira nyaya dzekusimudzirwa kweindasitiri yemimhanzi netsika uye nekuti zvinge zvichiunza budiriro munyaya dzeupfumi.

Vanoti nyaya yekutengeswa kwemimhanzi pamisika yemukoto inofanirwa kushoropodzwa sezvo ichidzosera basa revaimbi nevamwe vari muindasitiri iyi kumashure.

“Ndinokurudzira bazi rinoona nezvevechidiki, mitambo nezvekutandara kuti ritore matanho akasimba anoita kuti vaimbi nevamwe vari muindasitiri iyi vaite basa ravo vakasununguka pasina kurozvwa simba ravo.

“Nyaya yepairesi inofanirwa kushoropodzwa zvikuru uye yomiswa nevanobika mhanzi pamwe chete nevanoitenga.

“Ngatishandei pamwe chete, tichiremekedza pfungwa dzevamwe kuitira kuti pave nepundutso muchikamu ichi,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti senzira yekuchengetedza tsika nemagariro emarudzi akasiyana emuZimbabwe, Hurumende yakazvipira kutanga chirongwa chekunyora bumbiro remutemo wenyika kubva muchiRungu kuenda mumitauro yakasiyana inoshandiswa muZimbabwe.

“Kunyorwa kuri kuitwa bumbiro remutemo wenyika richiiswa mumitauro inocherechedzwa pasi pebumbiro iri, chiratidzo cheruremekedzo rukuru rwune Hurumende yeSecond Republic kunyaya dzekusiyana kwemarudzi,” vanodaro.

Chirongwa cheCulture Week chiri kupembererwa kuburikidza nezviitiko zvinoratidza tsika nemagariro evanhu vatema izvo zvichange zvichiitwa munyika kusvika musi wa25 Chivabvu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey