Uncategorized

Kubatana kwaunza budiriro’

24 Dec, 2021 - 13:12 0 Views
Kubatana kwaunza budiriro’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MADZIMAMBO vari kurumbidza kubatana kuripo munyika vachiti kwaunza runyararo nebudiriro yeupfumi muZimbabwe.

Zuva rekubatana iri – Unity Day – rinocherechedzwa nemusi wa22 Zvita gore roga-roga.

Rakavepo zvichitevera kubatana kwakaita mapato maviri ezvematongerwo enyika anoti ZANU-PF nePF-ZAPU mugore ra1987.

Vachitaura pazuva rekucherechedza kubatana uku, Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora, vekudunhu reMashonaland East vanotenda runyararo rwuri munyika muno.

“Hakuna nyika inobudirira pasina runyararo saka zvakaitwa nemapato maviri aya tinozvikudza. Chionai munyika tinofamba pasina kutya kwose kwaunoenda,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanoti kubatana kwemapato aya kwakaratidza kuti hakuna munhu anofanirwa kumira achizviti ndewerudzi rwakati sezvo Zimbabwe ichingova mhuri imwe chete.

“Isu semadzishe, tinoramba tichiparidza kubatana nguva dzose zvichidzika kumasabhuku nemasadunhu kuti vechidiki vazive kukosha kwakaita kubatana munyika,” vanodaro Mambo Chihota.

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Zimunya, VaKiben Bvirindi vekwaMutare, kuManicaland vachiti, “Zuva iri ratinoti Unity Day rakakosha zvikuru munyika muno nekuti rakaunza runyararo sezvo kunyika dzinorwisana kusina anoendako kunoita mabasa ebudiriro. Izvozvi mutungamiri wenyika President Mnangagwa vari kutenderera nenyika yose migwagwa ichigadzirwa, dai pasina runyararo ndiyani aigadzira migwagwa iyi? Saka tinozvitenda nemashoko avo ekuramba vachiparidza runyararo.”

Vanoti panguva yezororo rino, vanhu vanofanirwa kuramba vachiratidza kubatana vofara zvine mwero.

“Nyika ine runyararo inonakidza nekuti munhu unobvakacha kwese kwaunoda kuenda. Hakuna munhu asina kukosha uye zvose izvi tinozviona kana nyika iine runyararo sezvakaunzwa nekubatana kwemapato maviri aya,” vanodaro Mambo Zimunya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey