Kuchecheudzwa: ‘Tinopa ruzivo rwuzere’

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Kuchecheudzwa: ‘Tinopa ruzivo rwuzere’ Dr Owen Mugurungi

Kwayedza

Dr Owen Mugurungi

Dr Owen Mugurungi

KWAYEDZA svondo rapera yakaburitsa nyaya yekamwe kakomana kane makore 14 ekuberekwa kekwaNhema, kuZaka, ako kari kubvuma kuti kakamitisa vasikana vaviri panguva imwe chete mushure mekunge kachecheudzwa.

Vamwe vanoti mwana uyu akamitisa vasikana vana mushure mekunge ashereketa nevasikana 21.

Vasikana vanonzi nekamukomana aka kakamitisa ndeane makore 13 okuberekwa nemumwe ane 18 uyo anove muzukuru wake.

Mukubuda kwenyaya iyi, kakomana aka kanoti mushure mekunge vachecheudzwa nerimwe sangano rakazvimirira kuchikoro, vakaudzwa kuti vaizokwanisa kushinha nevasikana kwapera mazuva 64 izvo zvakazoita kuti mwana uyu ade kuedza ndokumitisa vasikana vaviri ava.

Zvakadaro, Kwayedza yakazoita hurukuro nemukuru anoona nezveAIDS neTB Unit mubazi rezveutano nekurerwa kwevana – Dr Owen Mugurungi – pamusoro pechirongwa chekuchecheudzwa ichi.

Muhurukuro iyi, munyori weKwayedza Muchaneta Chimuka (MC), anobvunza zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi apo Dr Mugurungi (OM) vanopindura.

(MC): Ndeipi dzidziso yamunopa kuvana kana takatarisa nhau dzekuchecheudzwa?

(OM): Tinopa ruzivo rwechokwadi maringe nekuchecheudzwa tichitevedza mitemo yeNational Male Circumcision Policy.

Rwumwe rweruzivo rwatinopa nderwunotevera:

– Zvakakoshera kuchecheudzwa

– Kuti vanhu vanochecheudzirwa kupi?

– Zvigozhero zvingangosanganikwa nazvo mukuchecheudzwa.

– Zvinoitwa mukuchecheudzwa

– Kukosha kwekuzvidzivirira kuutachiona hweHIV mushure mekuchecheudzwa.

– Kuchengetedzwa kweronda mushure mekuchecheudzwa.

(MC): Ndeapi matambudziko amunosangana nawo mukuchecheudza vanhurume, zvikuru kumaruwa?

(OM): Sezvinongoitika kune zvimwe zvirongwa, tinosangana nematambudziko muchirongwa chekuchecheudza ichi apo tinoda kuona kuti vanhu vose vari munharaunda vawaniswa rubatsiro urwu. Kune vamwe vanhu vanogara kure nezvipatara nokudaro tinoedza nepose patinogona kuti vange vachiwaniswa zvekufambisa kuti vakwanise kuchecheudzwa kuzvipatara. Tinozoongororawo kuti hapana here zvigozhero zvavari kusangana nazvo mushure mekuchecheudzwa.

Kana pachinge paita zvigozhero mushure mekuchecheudzwa, tinoita kuti vanhu vabatsirwe nekukasika nekuti tine varapi vari munharaunda (village/community health workers) avo vanokwanisa kubatsira neruzivo uye vanhu vanokwanisa kutifonera kana ipi zvayo nguva. Murwere anogona kubatsirwa nekuendeswa kuchipatara, mungava mumaguta kana kumaruwa.

(MC): Nhau dzekubvuma kuchecheudzwa dzinosainirwa nani, nemwana here kana kuti nemubereki?

(OM): Tinoramba tichitevedza mitemo yakadzikwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana muzvipatara zvose.

Kubvuma kuchecheudzwa kunoitwa nemubereki kana kuti munhu anenge achichengeta vana akamirira mubereki. Mwana ane makore ari pasi pe18 okuberekwa ndiye anosainirwa nemubereki nekuti anenge asati ave kuzvimiririra pamutemo.

(MC): Ichokwadi here kuti munotaurira vana nezvenguva yekutanga bonde mushure mekuchecheudzwa?

(OM) Chirongwa chekuchecheudzwa chinofambirana nechekudzivirira HIV muZimbabwe. Saka tinopakurira vanhu ruzivo sekuti vana vambomira kupinda munyaya dzebonde kusvika varoora kana kuroorwa uye vayaruka. Kune vakaroorana, tinovataurira kuti vambomira kuita zvebonde kwemasvondo matanhatu kuitira kuti ronda riwane nguva yekupora nekuti vave nekuvimbana muwanano sekuve nemudikanwi mumwe chete, kuti vange vachinoongororwa utachiona hweHIV nekushandisa dziviriro yekondomu nguva nenguva apo vanoita zvebonde.

Zvakadai, kuchecheudzwa kwakaonekwa kwakakosha sezvo kuchideredza mikana yekutapurirana utachiona hweHIV nechikamu che60%. Kunofanira kuitwa nemachiremba akafundira basa iri uye kunobatsira zvakare mukuderedza gomarara rechibereko kumadzimai negomarara kusikarudzi yevanhurume.

Kuchecheudzwa kunoita kuti sikarudzi yemunhurume igare yakashambidzika.

Mushure mekuchecheudzwa, vanhu vanokurudzirwa kuti vange vachiisa mvura ine munyu kuitira kuti ronda rikasike kuoma pasina kunyuka kweutachiona.

Vakomana vane makore 13 zvichienda mberi vanokwanisa kuchecheudzwa asi vose vanenge vari pasi pemakore 18 panenge pachida mvumo yemubereki.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey