Kwayedza
Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano rinorwira kodzero dzevakwegura, reHelpAge, Mai Priscilla Gavi, vari kushora zvikuru tsika inoitwa nevamwe yekunanga vanhu vanenge vachembera huroyi.Izvi zvinotevera nyaya yevamwe vabereki vachembera vekuRushinga avo vari kuti vanonangwa huroyi nevana vavo.
Kusawirirana mumhuri iyi kunotevera kuonekwa kwemhuka yetsenzi iri mumba pamusha wemhuri iyi.
“Nyaya dzevakwegura avo vanodzingwa mumisha kana kunangwa huroyi nekuuraiwa dzanyanya munyika. Tinoti dai mapurisa vagara vachichengetedza vanhu vakwegura,” vakadaro Mai Gavi.