Uncategorized

Kuchembera haisi mhosva: HelpAge

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano rinorwira kodzero dzevakwegura, reHelpAge, Mai Priscilla Gavi, vari kushora zvikuru tsika inoitwa nevamwe yekunanga vanhu vanenge vachembera huroyi.Izvi zvinotevera nyaya yevamwe vabereki vachembera vekuRushinga avo vari kuti vanonangwa huroyi nevana vavo.

Kusawirirana mumhuri iyi kunotevera kuonekwa kwemhuka yetsenzi iri mumba pamusha wemhuri iyi.

“Nyaya dzevakwegura avo vanodzingwa mumisha kana kunangwa huroyi nekuuraiwa dzanyanya munyika. Tinoti dai mapurisa vagara vachichengetedza vanhu vakwegura,” vakadaro Mai Gavi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey