Uncategorized

KUDZORA NDANGARIRO

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

neZimpapers Knowledge Centre

Ukachengetesa mari muPost, unozogona kuitora chero kupi

(Kwayedza, 5 Chikunguru 1985)

POST OFFICE Savings Bank, POSB, ine vanhu vanodarika 800 000 vanobhenga mari imomo, sokutaura kwamaneja webhangi iri, VaWilliam Merrett.

Muhurukuro yatakaita naVaMarrett vanoti gore rakapera vanhu vanosvika 90 000 vakavhurisa mabhuku ePOSB munyika yose.

VaMarrett vanoti POSB yakatangwa muna January 1905 zvokuti gore iroro vanhu vanosvika 811 vakaisa mari inoita $35 000 uye vakatora mari inoita $13 000.

Mugore ra1980, mushure meIndependence, POSB yakavhurisa mabhuku anodarika 30 000 kune avo vakarwa  hondo yorusununguko vainzi “demobilised personnel”.

Kune mhando mbiri dzinoshandiswa kuchengetedza mari kuPOSB, zvakare munhu anokwanisa kudzishandisa pamwe chete kana achida.

VePOSB vanopa interest ye8½% isina mutero, uye ndiyo yakadzorera kushandisa zuva nezuva.

VePOSB vanoita inonzi Fixed Deposit, iyo yakanakira vaye vanenge vachida kuti mari yavo igare kwemwedzi gumi nemiviri isina kubatwa. Iyi mari inobereka interest inosvika 10% pagore.

Chero Post Office ipi muZimbabwe muno inoshanda sebhangi rePOSB uye unokwanisa kuchengetesa kana kutora mari kuPost Office ipi zvayo.

Kunze kwemaPost Office, basa rose rePOSB rinoitwa kumaBanking Hall muZimbabwe mose uye unogona  kutorera mari kune ipi zvayo Post Office kana Banking Hall dzePOSB.

Kana wava kuda mari unokwanisa kutora isingapfuure mazana maviri emadhora ($200.00) shure kwemazuva matatu.

KumaBanking Hall, unokwanisa kutora isingapfuuri zviuru zviviri zvemadhora ($2,000) pazuva rega rega.  Uchida yakawanda kudarika ipapo, unokumbira kuna Postmaster.

Uchida kutora iri muFixed Deposit unotanga wamira kusvikira yapedza gore chairo yakachengetwa. Kana gore rakwana unovazivisa womira kusvika kwapfuura mazuva makumi mapfumbamwe (90 days) usati watora mari yacho.

Mari yaunounza kuPOSB haibvumidzwe kutora kusati kwapfuura mazuva manomwe uye hapana anobvumirwa kutora mari yaunzwa iri cheki kusati kwapfuura mazuva gumi nemana.

 

ZVIDZIDZO ZVESVONDO RINO

Vakuru vanoti mari muenzi. Katambiriro nekabatiro kamunoita muenzi kanoratidza kuti muri vanhu vakaita sei. Kuisa mari kubhangi ndiyo yeimwe nzira yakaonekwa yakakosha zvikuru, nokuti hauzongoti pese pese pawafungira, wonokora, wodya kunge nzungu – mangwana zvoshaya chimuko.

Post Office Savings Bank rave nemakore 115, uye rakaita basa guru kuona kuti kumatunhu kunotorerwa matsamba kune mabhangi. Ndokusaka rakazonzi bhangi revanhu, nokuti hazvaida mari zhinji kuti uwane bhuku rekubhangi.

Pasi rasanduka, zvichirevawo kuti kunyangwe nemachengeterwo ave kuitwa mari mukore uno asiyana. Imwe yave kugara pamakadhi, imwewo mumbozhanhare. Unogona kutenga nokuita zvakasiyana-siyana.

Chimwe chave kurwadza ndechokuti vane mari, kunyanya mari yekunze, vave kuda kuichengetera kudzimba zvinove zvinhu zvine ngozi zvikuru.

POSB handiro bhangi bedzi rakashandurwa mashandiro aro nokuda kworuzivo rwamazuva ano, asi kuti mabhangi ese.

 

Muri kuita tsvagurudzo dzenhoroondo here?

Huyai kuZimpapers Knowledge Centre, Herald House.

Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771

Tsamba mbozha: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey